Zvawanikwa pakutsvaga
Genesisi 2:24 (BDSC)
Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
VaEfeso 5:33 (BDSC)
Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.
VaEfeso 5:25 (BDSC)
Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo
VaEfeso 5:22 (BDSC)
Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She.
VaEfeso 5:23 (BDSC)
Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo.
VaEfeso 5:28 (BDSC)
Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake.
Zvirevo 18:22 (BDSC)
Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka, uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
Mateo 19:4 (BDSC)
Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi,
Mateo 19:5 (BDSC)
akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’
Mateo 19:6 (BDSC)
Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.”
Mako 10:8 (BDSC)
uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe.
Mako 10:9 (BDSC)
Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”