1
Ruka 23:34
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Ipapo Jesu akati: Ƃaɓa, muʋakaŋganwire, nokuti haʋaziʋi caʋanoita. Ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo.
సరిపోల్చండి
Ruka 23:34 ని అన్వేషించండి
2
Ruka 23:43
Iye akati kwaari: Ɀirokwaɀo, nhasi ucaʋa neni muParadiso.
Ruka 23:43 ని అన్వేషించండి
3
Ruka 23:42
Ipapo akati: Jesu mundiraŋgarire, kana moȿika muʋushe bgenyu!
Ruka 23:42 ని అన్వేషించండి
4
Ruka 23:46
Ɀino Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Ƃaɓa, ndinoisa mŋeya waŋgu pamaʋoko enyu! Akati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗisa mŋeya wake.
Ruka 23:46 ని అన్వేషించండి
5
Ruka 23:33
Ɀino ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Ƌehenya, ʋakamuroʋera’po naʋatadzi, mumŋe kurudyi mumŋe kuruɓoshwe.
Ruka 23:33 ని అన్వేషించండి
6
Ruka 23:44-45
Ɀino yakaŋga yaʋa ŋguʋa ineŋge yecitanhatu; rima rikaʋa’po panyika yose, kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe, Zuʋa rikaȿiɓa; cidzitiro cetembere cikabvaruka napakati.
Ruka 23:44-45 ని అన్వేషించండి
7
Ruka 23:47
Ipapo mukuru wezana wakati aʋona ɀaitwa, akarumbidza Mŋari, aciti: Ɀirokwaɀo, munhu uyu wakaŋga akarurama.
Ruka 23:47 ని అన్వేషించండి
హోమ్
బైబిల్
ప్రణాళికలు
వీడియోలు