1
Mavambo 13:15
Bhaibhiri Idzva rechiShona
nokuti nyika iyoyi yose yauri kuona ndichaipa kwauri nezvizvarwa zvako nokusingaperi.
Ṣe Àfiwé
Ṣàwárí Mavambo 13:15
2
Mavambo 13:14
Kuzoti Abhuramu naRoti vaparadzana Tenzi akataurira Abhuramu achiti, “Uri pauri ipapo, tarisa kuchamhembe nokumaodzanyemba, kumabvazuva nokumadokero
Ṣàwárí Mavambo 13:14
3
Mavambo 13:16
Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande seguruva renyika zvokuti kana kuine munhu anogona kuverengeta guruva renyika ndiye angagonewo kuzoverenga zvizvarwa zvako.
Ṣàwárí Mavambo 13:16
4
Mavambo 13:8
Abhuramu akataurirana naRoti achiti, “Ngatiregei kuitirana gakava, kunyange vafudzi vedu ngavaregewo kuitirana gakava nokuti tiri hama nehama.
Ṣàwárí Mavambo 13:8
5
Mavambo 13:18
Ipapo Abhuramu akandodzika matendhe ake paiva nemiti yemioku paMamure kuHebhuroni, akavakira Tenzi atari ipapo.
Ṣàwárí Mavambo 13:18
6
Mavambo 13:10
Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora.
Ṣàwárí Mavambo 13:10
Ilé
Bíbélì
Àwon ètò
Àwon Fídíò