1
Mavambo 9:12-13
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose.
Ṣe Àfiwé
Ṣàwárí Mavambo 9:12-13
2
Mavambo 9:16
Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.”
Ṣàwárí Mavambo 9:16
3
Mavambo 9:6
Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake.
Ṣàwárí Mavambo 9:6
4
Mavambo 9:1
Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika.
Ṣàwárí Mavambo 9:1
5
Mavambo 9:3
Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro.
Ṣàwárí Mavambo 9:3
6
Mavambo 9:2
Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu.
Ṣàwárí Mavambo 9:2
7
Mavambo 9:7
“Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.”
Ṣàwárí Mavambo 9:7
Ilé
Bíbélì
Àwon ètò
Àwon Fídíò