Mashoko aAmosi, waiʋa mumŋe waʋafudzi ʋeTekoa, aakaʋona pamsoro paIsraeri namazuʋa aUzia mambo waJuda, ʋuye namazuʋa aJeroboami mŋanakomana waJoashi mambo waIsraeri, makore maʋiri acigere okuȿika kwokuɗeŋgenyeka kwenyika.
Akati: Jehova ucaʋomba ari paZioni, ucanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; mafuro aʋafudzi acacema, musoro weKarmeri ucawoma.