Amosi 1
1
Kutoŋgwa kwamarudzi naJehova.
1Mashoko aAmosi, waiʋa mumŋe waʋafudzi ʋeTekoa, aakaʋona pamsoro paIsraeri namazuʋa aUzia mambo waJuda, ʋuye namazuʋa aJeroboami mŋanakomana waJoashi mambo waIsraeri, makore maʋiri acigere okuȿika kwokuɗeŋgenyeka kwenyika.
2Akati: Jehova ucaʋomba ari paZioni, ucanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; mafuro aʋafudzi acacema, musoro weKarmeri ucawoma.
3Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Damasko ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakapura Gireadi nemipuro yamatare. 4Asi ndicatuma mŋoto mumba maHazaeri, ucapedza dzimba dzoʋushe dzaBeni‐hadadi. 5Ndicavuna cipfigiso ceDamasko, nokuparadza ʋagere mumupata weAveni nowakaɓata tȿimbo yoʋushe paBeti‐Edeni; ʋanhu ʋeSiria ʋacatapirwa Kiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
6Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Gaza ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakatapa rudzi rwose, kundoʋaisa kunaEdomi. 7Asi ndicatuma mŋoto kuruȿiŋgo rweGaza, ucapedza dzimba dzaro dzoʋushe. 8Ndicaparadza ʋagere Ashdodi nowakaɓata tȿimbo yoʋushe paAshkeroni; ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kurwa naEkroni; ʋakasara ʋaʋaFiristia ʋacaparadzwa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
9Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Tire ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakaisa rudzi rwose kunaEdomi ʋakasaraŋgarira suŋgano yoʋukama bgaʋo. 10Asi ndicatuma mŋoto kuruȿiŋgo rweTire, ucapedza dzimba dzaro dzoʋushe.
11Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Edomi ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakateʋerera munuŋuna waʋo nomunondo, ʋakarasha tsitsi dzose, kutsamŋa kwake kukaramba kuciŋgobvambura, akaramba anehasha nokusiŋgaperi. 12Asi ndicatuma mŋoto paTemani, ucapedza dzimba dzoʋushe dzeBozra.
13Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti ʋana ʋaAmoni ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakatumbura ʋakadzi ʋakaŋga ʋanemimba ʋeGireadi, kuti ʋakurise nyika yaʋo. 14Asi ndicaɓatidza mŋoto paruȿiŋgo rweRaba, ucapedza dzimba dzaro dzoʋushe, ʋaciɗanidzira nezuʋa rokurwa, neɗutu guru remhepo nezuʋa recampupuri; 15mambo waʋo ucatapxa, iye pamŋe cete namacinda ake — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Amosi 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018