Joere 3
3
Ʋaʋeŋgi ʋaJehova ʋacatoŋgwa, asi ʋanhu ʋake ʋacarwirwa.
1Nokuti tarirai, namazuʋa iwayo neŋguʋa iyo, kana ndicidzosa kutapxa kwaJuda neJerusarema, 2ndicaʋuŋganidza marudzi ose aʋanhu, nokuaɓurusira kumupata waJehoshafati; ndicaʋatoŋga’po pamsoro paʋanhu ʋaŋgu napamsoro penhaka yaŋgu Israeri, ʋakaparadzirwa naʋo pakati pamarudzi aʋanhu; ʋakagoʋana nyika yaŋgu, 3ʋakakanda mijenya pamsoro paʋanhu ʋaŋgu, ʋakateŋga cifeʋe nomukomana, ʋakateŋgesa musikana ʋacipiwa waini, kuti ʋainwe. 4Ɀirokwaɀo, imi Tire neSidoni nenyika dzose dzaFiristia, munoreʋeiko kwandiri? Munoɗa kunditsiʋa here? Kana mukanditsiʋa, ndicakudzoserai ɀamakaita pamisoro yenyu pakarepo nokukasira. 5Ɀamakatora sirveri yaŋgu nendarama yaŋgu, mukandoisa mutembere dzenyu ɀinhu ɀaŋgu ɀakanaka ɀinoɗikanwa, 6mukateŋgesa ʋana ʋaJuda naʋana ʋeJerusarema kuʋanakomana ʋaʋaGiriki, kuti muʋabvisire kure nenyika yaʋo; 7tarirai, ndicaʋamutsa panɀimbo kwamakandoʋateŋgesa, ndidzosere pamisoro yenyu ɀamakaita; 8ndicateŋgesa ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu mumaʋoko aʋana ʋaJuda, iʋo ʋacandoʋateŋgesa kuʋanhu ʋeSheba, kurudzi ruri kure, nokuti Jehova wakataura iɀoɀo.
9Paridzirai iɀoɀi pakati pamarudzi; ɀigadzirirei kurwa; kurudzirai ʋarume ʋanesimba; ʋarwi ʋose ŋgaʋasweɗere, ʋaende kundorwa. 10Pfurai mapadza enyu iʋe minondo, namapaŋga enyu okucekerera miti aʋe mapfumo; usinesimba ŋgaati: Ndinesimba. 11Cimbidzikai, muʋuye, imi marudzi ose akapoteredza, muʋuŋgane; imi Jehova, mhare dzenyu ŋgadziɓurukire’ko. 12Marudzi aʋanhu ŋgaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nokuti ndi’po pandicagara ndicitoŋga marudzi ose akapoteredza. 13Isai ɓaŋga renyu mumunda, nokuti ɀiyo ɀaibva; ʋuyai muȿine, nokuti ciȿiniro cewaini cazara, ɀiȿiniro ɀinopafuma; nokuti kushata kwaʋo kwakura. 14Ʋazhinji‐zhinji, ʋazhinji‐zhinji ʋari’po mumupata wokutoŋga! Nokuti zuʋa raJehova raʋa pedyo mumupata wokutoŋga. 15Zuʋa nomŋedzi ɀaȿiɓa, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo. 16Jehova ucaʋomba ari paZioni, ucanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; ɗeŋga rose nenyika ɀicaɗeŋgenyeka; asi Jehova ucaʋa ʋutiziro bgaʋanhu ʋake, nenhare yaʋana ʋaIsraeri. 17Ipapo mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu, ugere paZioni, iro gomo raŋgu dɀene; ipapo Jerusarema ricaʋa guta dɀene, hakunaʋatorwa ʋanozopfuʋura napo. 18Ɀino nezuʋa iro makomo acaɗonha waini inotapira, ɀikomo ɀicayerera mukaka, ʋuye hoʋa dzose dzaJuda dzicayerera mvura zhinji; mumba maJehova mucaɓuɗa tsime, ricaɗiridza mupata weShitimi. 19Egipita ricaʋa ɗoŋgo, ʋuye Edomi ricaʋa renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa ʋana ʋaJuda, ɀaʋakateʋura ropa risinemhoȿa panyika yaʋo. 20Asi Juda ʋacaʋa’po nokusiŋgaperi, ʋuye Jerusarema kuȿikira kumarudzi namarudzi. 21Ndicapembedza ropa raʋo randisina‐kumbopembedza; nokuti Jehova unogara paZioni.
Zvasarudzwa nguva ino
Joere 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018