1
Isaya 25:1
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova, ndimi Mŋari waŋgu! Ndicakukudzai, ndicarumbidza zita renyu; nokuti makaita ɀinoshamisa, iɀo ɀamakafuŋga kare nokutendeka neɀokwaɗi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 25:8
Wakaparadza rufu nokusiŋgaperi, Ishe Jehova ucapisika misodzi paɀiso ɀose; ucabvisa kuɀidzwa kwaʋanhu ʋake panyika yose; nokuti Jehova wakataura iɀoɀo.
3
Isaya 25:9
Nezuʋa iro ʋacati: Tarirai, uyu ndiye Mŋari weɗu; takaŋga takamumirira, iye ucatiponesa; uyu ndiye Jehova, takaŋga takamumirira, ticafara, nokufarira ruponeso rwake.
4
Isaya 25:7
Pagomo iri ucaparadza cifukidziro cinofukidzira ʋanhu ʋose, necidzitiro cakatasanurwa pamsoro pamarudzi ose.
5
Isaya 25:6
Pagomo iri Jehova wehondo ucagadzirira marudzi ose aʋanhu mutambo weɀakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, weɀakakora ɀizere nomŋoŋgo, wewaini yakagara pamasese yakaȿinwa ɀakanaka.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo