Isaya 25
25
Rwiyo rwokurumbidza Jehova.
1Jehova, ndimi Mŋari waŋgu! Ndicakukudzai, ndicarumbidza zita renyu; nokuti makaita ɀinoshamisa, iɀo ɀamakafuŋga kare nokutendeka neɀokwaɗi. 2Nokuti guta makariita ɗutu ramabge, guta rakakombga noruȿiŋgo makariita ɗoŋgo, imba huru yaʋatorwa rirege kuʋa guta; hariŋgatoŋgoʋakwi. 3Naiɀoɀo rudzi rukuru rucakukudzai; guta ramarudzi aʋanhu ʋanotyisa ricakutyai. 4Nokuti imi maiʋa nhare yaʋarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, ʋutiziro paŋguʋa yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuʋa, kana mhepo yaʋanotyisa iciita semvura zhinji. 5Mucaɗeredza ɓope raʋatorwa, seɀinoita kupisa kwezuʋa panɀimbo yakawoma; rwiyo rwaʋanotyisa rucaɗeredzwa, seɀinoitwa kupisa nomumvuri wegore. 6Pagomo iri Jehova wehondo ucagadzirira marudzi ose aʋanhu mutambo weɀakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, weɀakakora ɀizere nomŋoŋgo, wewaini yakagara pamasese yakaȿinwa ɀakanaka. 7Pagomo iri ucaparadza cifukidziro cinofukidzira ʋanhu ʋose, necidzitiro cakatasanurwa pamsoro pamarudzi ose. 8Wakaparadza rufu nokusiŋgaperi, Ishe Jehova ucapisika misodzi paɀiso ɀose; ucabvisa kuɀidzwa kwaʋanhu ʋake panyika yose; nokuti Jehova wakataura iɀoɀo.
9Nezuʋa iro ʋacati: Tarirai, uyu ndiye Mŋari weɗu; takaŋga takamumirira, iye ucatiponesa; uyu ndiye Jehova, takaŋga takamumirira, ticafara, nokufarira ruponeso rwake. 10Nokuti ruʋoko rwaJehova rucagara pagomo iri; Moabi ʋacatsikwa pasi panɀimbo yaʋo, seɀinotsikwa mashaŋga mumvura iri mugomba romupfudze. 11Ucatambanudza maʋoko ake imomo, somunhu unotambanudza maʋoko ake kana acishambira; asi Jehova ucaɗeredza kuɀikudza kwake pamŋe cete nenjere dzamaʋoko ake. 12Nhare yakakwirira yamaȿiŋgo enyu, wakaiwisira pasi, wakaiɗeredza, wakaiputsira muvu, imo muguruʋa.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 25: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018