Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 24

24
Kutoŋga kwaJehova.
1Tarirai, Jehova unobvisa ɀose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira ʋagere mairi. 2Ʋanhu ʋacaitirwa ɀinoitirwa muprista, muranda ɀinoitirwa tenzi wake, mushandiri ɀinoitirwa ʋahosi ʋake, muteŋgi ɀinoitirwa muteŋgesi, unopa cikwerete ɀinoitirwa unokwereta, unoripa mhindu ɀinoitirwa unoreʋa mhindu. 3Nyika icabvisirwa ɀose ɀayo, icaparadzwa cose; nokuti Jehova wakataura shoko iro. 4Nyika inocema nokuwoma, pasi pose panopera simba nokuwoma, ʋanhu ʋakakudzwa ʋenyika ʋanopera simba. 5Nyika yakaȿiɓiswa ʋo naʋagere mairi; nokuti ʋakaɗarika mirairo, ʋakakaŋganisa mitemo, nokuputsa suŋgano isiŋgaperi. 6Saka kutuka kwaMŋari kwapedza nyika, naʋagere’mo ʋaʋa nemhoȿa; saka ʋagere munyika ʋapiswa, ʋaŋgosara ʋanhu ʋashoma. 7Waini itȿa inocema, muzambiriŋga wapera simba, ʋose ʋanomŋoyo unofara ʋanogomera. 8Kufara kweŋgoma kwonyarara, inzwi raʋanofara ropera, mufaro wembira wopera. 9Haʋaŋganwi waini ʋaciimba; ɀinoɓata ɀicaʋaʋa kunaʋanoɀinwa. 10Guta, raʋa ɗoŋgo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuʋa nomunhu uŋgapinda’mo. 11Kucema kunonzwika panzira dzomumusha nokuɗa kwewaini; mufaro wose waȿiɓa, kufara kwenyika kwaenda. 12Muguta masara maŋgoʋa ɗoŋgo, suʋo raputswa nokuparadzwa. 13Nokuti ndiɀo ɀaɀicaita panyika pakati pamarudzi aʋanhu, ɀicafanana nokuzuzwa kwomuoriʋi, neɀakasara kana mizambiriŋga yakohwiwa. 14Iʋo ʋacaɗanidzira, ʋacapururudza; nokuɗa kwoʋumambo bgaJehova ʋanoɗanidzira ʋari paguŋgwa. 15Saka rumbidzai Jehova kumabvazuʋa, iro zita raJehova, Mŋari waIsraeri, paɀiwi ɀeguŋgwa.
16Takanzwa nziyo dziciimbga kumigumo yenyika, dziciti: Ʋakarurama ŋgaʋakudzwe! Asi ini ndakati: Ndinowonda, ndinowonda, ndinenhamo! ʋanyeŋgeri ʋakaita nokunyeŋgera; ɀirokwaɀo, ʋanyeŋgeri ʋakaita nokunyeŋgera kukuru. 17Kutya, negomba, nomusuŋgo ɀicakuwira, iwe ugere panyika. 18Ɀino, unotiza ɓope rokutyisa, ucawira mugomba; unokwira acibva mukati megomba, ucaɓatwa nomusuŋgo; nokuti mawindi okumsoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinoɗeɗera. 19Nyika yaputswa‐putswa cose, nyika yoɗeɗera cose, nyika yozunuŋguswa cose. 20Nyika icadzedzereka somunhu wakaɓatwa, icaɗeŋgenyeka seɗumba; kuɗarika kwayo kucairemedza kwaɀo, icawa, ikasasimuka ɀe.
21Ɀino nezuʋa iro Jehova ucaroʋa hondo yaʋakakudzwa ʋari kumsoro, namadzimambo enyika panyika. 22Ʋacaʋuŋganidzwa pamŋe cete, seɀinoʋuŋganidzwa ʋasuŋgwa mugomba, ʋacapfigirwa mutoroŋgo; ɀino kana mazuʋa mazhinji apfuʋura ʋacashanyirwa. 23Ipapo mŋedzi ucanyadziswa, nezuʋa ricanyara; nokuti Jehova wehondo ucaɓata ʋushe pagomo rezioni, napaJerusarema; pamberi paʋakuru ʋake pacaʋa nokukudzwa.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 24: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda