Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 23

23
Cireʋo pamsoro peTire.
1Cireʋo pamsoro peTire.
Cemai, imi, ɀikepe ɀeTarshishi; nokuti raparadzwa, hapacineimba, kana paŋgapindwa’po; ʋakaratidzwa iɀoɀo ʋari panyika yeKitimi. 2Imi mugere pamhenderekedzo yeguŋgwa, nyararai, iyemi maifumiswa naʋateŋgesi ʋeSidoni, ʋanofamba neguŋgwa. 3Fuma yaro ɀaiʋa ɀiyo ɀeShihori, ɀiɓereko ɀeNairi, ɀaiiswa’ko pamsoro pemvura; ndi’po paiteŋgeswa ɀose ɀamarudzi aʋanhu. 4Nyara, iwe Sidoni, nokuti guŋgwa rataura, nenhare yeguŋgwa, riciti: Handina‐kurwadziwa, handina‐kuɓereka, handina‐kurera majaya, kana kukurisa mhandara. 5Kana shoko riciȿika Egipita, ʋacaʋa neshuŋgu kwaɀo pamsoro peshoko reTire. 6Yambukirai Tarshishi; cemai, imi mugere pamhenderekedzo yeguŋgwa. 7Gara ndiro guta renyu raifara, raiʋa’po kubva kare nakare, raiiswa kure‐kure netsoka dzaro, kundogara’ko? 8Ndianiko wakafuŋgira Tire iɀoɀo, iro raipavurira korona, ʋateŋgesi ʋaro ʋaiʋa macinda, naʋashambadziri ʋaro ʋaiʋa ʋanokudzwa panyika? 9Jehova wehondo ndiye wakaɀifuŋga, kuti amhure kuɀikudza kweɀose ɀinokudzwa, nokuɀidza ʋose ʋanokudzwa panyika. 10Pararira panyika yako seNairi, iwe mukunda weTarshishi; hakucinebanhire rinokusuŋga. 11Wakatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, wakazunuŋgusa ʋushe; Jehova wakaraira pamsoro peKanani, kuti nhare dzayo dziparadzwe. 12Akati: Haucazofari, iwe mukunda weSidoni, mhandara yakamanikidzwa; simuka, uyambukire Kitimi; naikoko hauŋgawani zororo. 13Tarirai nyika yaʋaKardea; rudzi urwo haruci’po; ʋaAsiria ʋakaiita nyika yeɀikara ɀerenje; ʋakamisa shoŋgwe dzaʋo, ʋakawisa dzimba dzoʋushe dzaiʋa’mo; ʋakaiita ɗoŋgo. 14Cemai, imi ɀikepe ɀeTarshishi; nokuti nhare yenyu yaparadzwa. 15Ɀino neŋguʋa iyo Tire ricakaŋganikwa makore makumi manomŋe, ɀakaenzana namakore amambo mumŋe cete; kana makore makumi manomŋe apera, Tire ricaitirwa seɀinoimbga parwiyo rwecifeʋe, runoti: 16Iwe cifeʋe, wakaŋganikwa, tora mbira upote neguta; ridza ɀakanaka, imba nziyo dzakanaka, kuti uraŋgarirwe. 17Ɀino kana makore makumi manomŋe apera, Jehova ucashanyira Tire, ipapo ricadzokera kumuɓairo waro, ndokufeʋa noʋushe bgose bgenyika ʋuri pasi pose. 18Ɀarakashambadzira, nomuɓairo waro, ɀicaʋa ɀitȿene kunaJehova; haɀiŋgaceŋgetwi kana kuʋigwa; nokuti ɀarakashambadzira ɀicaʋa ɀaʋanogara pamberi paJehova, kuti ʋagute kwaɀo, ʋafuke ŋguʋo dzakanaka.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 23: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda