Isaya 22
22
Cireʋo pamsoro peJerusarema.
1Cireʋo pamsoro pomupata weɀakaʋonekwa.
Unonzweiko, ɀawakwira naʋanhu ʋako ʋose pamateŋga edzimba? 2Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rineɓope, musha unomufaro; ʋakaʋurawa ʋako haʋana‐kuʋurawa nomunondo, haʋana‐kufira pakurwa. 3Ʋaɓati ʋako ʋose ʋakatiza pamŋe cete, ʋakasuŋgwa ʋasinoʋuta; ʋose ʋako, ʋakawanikwa, ʋakasuŋgwa pamŋe cete; ʋakatizira kure. 4Naiɀoɀo ndakati: Regai kunditarira, ndinoɗa kucema kwaɀo; musaramba muciidza kundinyaradza pamsoro pokuparadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu. 5Nokuti izuʋa rokuvundusa, nerokutsikira pasi, nerokukaŋganisa, ɀinobva kunaShe, Jehova wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamaȿiŋgo, nerokuɗanidzira kumakomo. 6Erami wakaɓata goɓa, pamŋe cete namapoka aʋanhu naʋataȿi ʋamabiza; Kiri wakafuɗugura nhoʋo. 7Ipapo mipata yenyu yakaiȿo‐naka yakazara neŋgoro, naʋataȿi ʋamabiza ʋakaɀigadzirira kurwa pasuʋo. 8Akabvisa cifukidziro caJuda; nezuʋa iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomuɗondo. 9Mukaʋona pakakoromoka paguta raDavidi, kuti pakaŋga pari pazhinji; mukaciŋgidzira mvura yedziʋa rezasi; 10mukaʋereŋga dzimba dzeJerusarema, mukakoromora dzimba kuti musimbise ruȿiŋgo; 11mukaita ʋo gaŋgwa pakati pamaȿiŋgo maʋiri rokuciŋgidzira mvura yedziʋa rakare. Asi hamuna‐kutarira iye wakaɀiita, makaŋga musinehanya naiye wakaɀifuŋga kare. 12Ɀino nezuʋa iro Ishe, Jehova wehondo, wakakuɗanirai kumisodzi, nokukucema, nokukuʋeʋurwa mhazha, nokukufuka makudza; 13asi tarirai, makaʋa nomufaro nokupembera, nokuɓayiwa kweŋombe, nokushizhwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini, muciti: Ŋgatidye, ŋgatinwe, nokuti maŋgwana tinofa. 14Asi Jehova wehondo wakaɀiziʋisa munzeʋe dzaŋgu, akati: Ɀirokwaɀo, hamuŋgakaŋganwirwi ɀakaipa iɀi, kuȿikira pakufa kwenyu, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Jehova wehondo.
Mutariri Shebna ucabviswa, Eriakimi ucapinda panɀimbo yake.
15Ɀanzi naShe, Jehova wehondo: Enda kumuceŋgeti uyu wefuma, kunaShebna, unotarira imba yamambo, uti: 16Unoɓateiko pano? Unaniko pano, ɀawaɀiʋezera bgiro pano? Somunhu unoɀiʋezera bgiro pakakwirira, unoɀicerera ʋugaro bgake paɗombo! 17Tarira, Jehova ucakurashira kure nesimba somurume; ɀirokwaɀo, ucakupeta‐peta. 18Ɀirokwaɀo ucakupomba‐pomba, ndokukukandira sehuruŋguɗo munyika yakapamhamha; ndi’po paucafira, ndi’po pacaʋa neŋgoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako. 19Ndicakudziŋga paɓasa rako, iye ucakukweʋera pasi ubve panɀimbo yako. 20Ɀino nezuʋa iro ndicaɗana muranda waŋgu Eriakimi, mŋanakomana waHirkia; 21ndicamufukidza ŋguʋo yako, nokumusimbisa nebanhire rako, ndigoisa ʋushe bgako muruʋoko rwake; iye ucaʋa ɓaɓa kunaʋagere Jerusarema, nokuimba yaJuda. 22Ndicaisa kiyi yeimba yaDavidi pafudzi rake; iye ucazarura, hapana‐uŋgazarira, iye ucazarira, hapana‐uŋgazarura. 23Ndicamuroʋera pakasimba sembambo; ucaʋa cigaro cinokudzwa paimba yaɓaɓa ʋake. 24Ʋacaturika paari kukudzwa kwose kweimba yaɓaɓa ʋake, mataʋi namaɓukira, nemidziyo yose miɗuku, kubvira pamikombe kuȿikira pamakate. 25Nezuʋa iro, ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo, mbambo yakaŋga yaroʋerwa pakasimba, icabva; icatemŋa, ndokuwira pasi; nomutoro wakaŋga wakaturikwa pairi, ucatemŋa; nokuti Jehova wakataura iɀoɀo.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 22: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018