1
Ʋatoŋgi 7:2
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kunaGideoni: Ʋanhu ʋaunaʋo ʋakawandisa, kuti ndiise ʋaMidiani mumaʋoko aʋo; kuti ʋaIsraeri ʋarege kuɀikudza pamberi paŋgu, ʋaciti: Maʋoko eɗu ndiwo akatiponesa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ʋatoŋgi 7:7
Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Ndicakuponesai naʋarume aʋa ʋanamazana matatu ʋakakapa mvura, nokuisa ʋaMidiani muruʋoko rwako; ʋanhu ʋose ŋgaʋaende haʋo, mumŋe nomumŋe kutente rake.
3
Ʋatoŋgi 7:3
Naiɀoɀo ɀino, enda undoparidza ʋanhu ʋaɀinzwe, uti: Aninani unotya, unoɗeɗera, ŋgaadzoke hake, abve pagomo reGireadi. Ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri ʋakadzoka, ʋakasara ʋaneɀuru ɀinegumi.
4
Ʋatoŋgi 7:4
Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Naɀino ʋanhu ʋaciri ʋazhinji; enda naʋo kumvura ndiʋaidze’po; ɀino kana ndikati kwauri: Uyu unofanira kuenda newe, ndiye ucaenda newe; asi kana ndikati kwauri: Uyu haafaniri kuenda newe, iye haaŋgaendi.
5
Ʋatoŋgi 7:5-6
Ipapo akaenda naʋanhu kumvura; Jehova akati kunaGideoni: Mumŋe nomumŋe unokapa mvura norurimi seɀinokapa imbga, unofanira kumuisa kurutiʋi ari oga; saiɀoɀo ʋo mumŋe nomumŋe unofugama pamabvi ake pakunwa. Ɀino ʋanhu ʋakaŋga ʋakapa, ʋaciisa maʋoko aʋo kumiromo, ʋakaȿika ʋarume ʋanamazana matatu; asi ʋamŋe ʋose ʋakafugama pamabvi aʋo pakunwa mvura.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo