1
Mateo 7:7
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateo 7:8
Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira unopiwa; unotȿaka unowana; unogogodza unozarurirwa.
3
Mateo 7:24
Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akaaita, uŋgafananidzwa nomurume wakacenjera, wakaʋaka imba yake paruware.
4
Mateo 7:12
Saka ɀinhu ɀose ɀamunoɗa kuti ʋanhu ʋakuitirei, muʋaitire nemi ʋo saiɀoɀo, nokuti ndiwo murairo naʋaprofita.
5
Mateo 7:14
Nokuti suʋo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuʋupenyu, ʋanoiwana ʋashoma.
6
Mateo 7:13
Pindai nesuʋo rakamanikana; nokuti suʋo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; ʋanopinda naro ʋazhinji.
7
Mateo 7:11
Ɀino kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapfuʋurisa seiko kupa ɀinhu ɀakanaka iʋo ʋanokumbira kwaari!
8
Mateo 7:1-2
Musatoŋga, kuti murege kutoŋgwa; nokuti nokutoŋga kwamunotoŋga nako, mucatoŋgwa nako, neciyero camunoyera naco, mucayerwa naco.
9
Mateo 7:26
Mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akasaaita, uŋgafananidzwa nomurume ɓenzi, wakaʋaka imba yake pajeca.
10
Mateo 7:3-4
Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, asi hauʋoni ɗanda riri muziso rako? Kana uŋgataura seiko kuhama yako, uciti: Rega, ndibvise ruɓanzu muziso rako, iɀo, ɗanda riri muziso rako?
11
Mateo 7:15-16
Cenjerai ʋaprofita ʋenhema, ʋanoʋuya kwamuri ʋaneŋguʋo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. Mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo. Mazambiriŋga anombotanhwa paminzwa here, kana maʋonde parukato?
12
Mateo 7:17
Saiɀoɀo muti mumŋe nomumŋe wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka, asi muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa.
13
Mateo 7:18
Muti wakanaka hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakaipa, nomuti wakaipa hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka.
14
Mateo 7:19
Muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo