Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa mwoyo wake, nemwoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo; kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.”