1
Ezekieri 34:16
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Ndichatsvaka akarasika, ndichadzosa akadzingwa, ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara; asi akakora naane simba ndichaaparadza; ndichaafudza zvakarurama.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ezekieri 34:12
“Mufudzi sezvaanotsvaka boka rake, nezuva raari pakati pamakwai ake akapararira kwose, saizvozvo ndichatsvaka makwai angu, ndichaarwira panzvimbo dzose kwaakapararira nezuva ramakore nererima.
3
Ezekieri 34:11
“Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, ini, ini ndimene, ndicharonda makwai angu nokuatsvaka.’
4
Ezekieri 34:15
“Ini ndimene ndichava mufudzi wamakwai angu, ndichaavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
5
Ezekieri 34:31
“Asi imi, makwai angu, makwai anofudzwa neni, muri vanhu, neni ndiri Mwari wenyu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
6
Ezekieri 34:2
“Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pavafudzi vaIsiraeri, porofita, uti kwavari, kuna ivo vafudzi, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Vane nhamo ivo vafudzi vaIsiraeri vanozvifudza! Ko vafudzi havafaniri kufudza makwai here?’