1
Hosea 2:19-20
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Ndichakuroorazve uchiva wangu nokusingaperi. Ndichakuroorazve ndigova pachokwadi newe. Zvandinenge ndoita kwauri, zvinenge zviri zvinhu zviri pamwero zvine rudo chairwo netsitsi. Ndichakuroorazve tigoitirana mukutendeka. Ndipo pachazoziva Tenzi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Hosea 2:15
Ikoko ndokwandichavadzosera minda yavo yamagirepisi ndigoita kuti Bani rokutambura rive musuo wechitarisiro. Ikokowo vachadaira sapamazuva avo oumhandara senguva iya yavakabuda muIjipiti.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo