1
Mateu 14:30-31
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Pita paakaona mhepo, akatya. Akatangisa kunyura ndokudaidzira achiti, “Tenzi ndiponesei.” Pakarepo Jesu akabva atambanudza ruoko rwake akamubata achiti kwaari, “Inga une chitendero chiduku. Wakahadzikireiko.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateu 14:30
Pita paakaona mhepo, akatya. Akatangisa kunyura ndokudaidzira achiti, “Tenzi ndiponesei.”
3
Mateu 14:27
Pakarepo Jesu akabva ataura kwavari achiti, “Tsungai mwoyo, ndini. Musatye.”
4
Mateu 14:28-29
Ipapo Pita akati, “Tenzi kana murimi, itii ndiuye kwamuri ndichifambawo pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Pita akabuda mugwa akafamba napamusoro pemvura achienda kuna Jesu.
5
Mateu 14:33
Vaya vaiva mugwa vakamugwadamira vachiti, “Zvechokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.”
6
Mateu 14:16-17
Jesu akati, “Havafaniri kuenda. Vapei iyemi zvokudya.” Vakati kwaari, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete.”
7
Mateu 14:18-19
Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akati vanhu ngavagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri. Akatarisa kudenga, ndokukomborera, ndokumedura, akapa zvingwa zviya kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipa kuvanhu.
8
Mateu 14:20
Vose vakadya vakaguta. Vakaunganidza tswanda gumi nembiri dzizere dzezvimedu zvakasara.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo