1
Mariko 11:24
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Naizvozvo ndinoti kwamuri, ‘Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato tendai kuti matochipiwa, chichava chenyu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mariko 11:23
Zvirokwazvo ndinokuudzai kuti, ‘Ani naani anoti kugomo iri simudzwa ukandwe mugungwa,’ asingakahadziki mumwoyo make asi achitenda kuti zvinhu zvaareva zvichaitika, achazviitirwa.
3
Mariko 11:25
Nguva dzose pamunomira muchinamata, kana pano mumwe wamuine chigumbu naye, muregererei, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo zvikanganiso zvenyu.’ ”
4
Mariko 11:22
Jesu ndokuvapindura achiti, “Ivai nechitendero muna Mwari.
5
Mariko 11:17
Akavadzidzisa achiti, “Hazvina kunyorwa here zvichinzi; “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira, yamarudzi ose avanhu, asi imi makaiita bako ramakororo.’ ”
6
Mariko 11:9
Zvino vaifamba vari mberi navaimutevera vakadaidzira vachiti; “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.
7
Mariko 11:10
Ngahurumbidzwe umambo hwababa vedu Dhavhidhi. Huri kuuya. Hosana kumusorosoro.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo