1
VaHebheru 10:25
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Tisaregere kusangana setsika inoitwa navamwe asi kuti tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva riya ravakusvika.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaHebheru 10:24
Ngatinyatsofungisisai nzira dzokukurudzirana rudo namabasa akanaka.
3
VaHebheru 10:23
Ngatichengetedzei zvakasimba chitendero chezvatinotarisira tisingazungunutswi nokuti iye akatsidza anotendeka.
4
VaHebheru 10:36
Munofanira kutirira kuti muite kuda kwaMwari kuitirawo kuti mugamuchire zvakatsidzirwa zvinoti
5
VaHebheru 10:22
ngatiswederei pedyo nomwoyo uri pachokwadi norudaviro rwakasimba mwoyo yedu yakasaswa isina chinorovesa hana nemiviri yakashambidzwa nemvura yakachena.
6
VaHebheru 10:35
Nokudaro musarase chivimbo chenyu chino mubayiro mukuru.
7
VaHebheru 10:26-27
Nokuti tikaramba tichingotadza zvedu isu tichiziva, isu takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hapazovezve nechibayiro chezvitadzo asi kungotarisira kutonga kunotyisa nomoto unotyisa uchaparadza mhandu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo