Anogona kutaura muchiroto
kana muchioneso chousiku
munhu akabatwa chaizvo nehope
achikotsira pauriri hwake.
Ndipo paanozarura vanhu nzeve
obva aona kuti chaanoda kuti
vadziidze vachidzidza,
kuti munhu apinduke pane zvaanenge achiita
uye kuti munhu arege kuzvikudza.
Anodzivirira munhu kuwira mugomba
uye kubaiwa nepfumo.