1
VaHebheru 4:12
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaHebheru 4:16
Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.
3
VaHebheru 4:15
Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.
4
VaHebheru 4:13
Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
5
VaHebheru 4:14
Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura.
6
VaHebheru 4:11
Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo