Mukurota, uye muchiratidzo chousiku,
hope huru padzinowira vanhu,
pavanotsimwaira pamibhedha yavo,
angangotaura munzeve dzavo uye
agovavhundutsa neyambiro zhinji,
kuti adzore munhu pakuita zvakaipa,
uye nokuita kuti arege kuzvikudza,
kuti achengetedze mweya wake pagomba,
uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.