1
Mapisarema 103:2
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake yose
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 103:3-5
iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose, anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi, anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.
3
Mapisarema 103:1
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.
4
Mapisarema 103:13
Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya
5
Mapisarema 103:12
sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.
6
Mapisarema 103:8
Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.
7
Mapisarema 103:10-11
haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya
8
Mapisarema 103:19
Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga, uye ushe hwake hunotonga zvinhu zvose.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo