1
Mapisarema 77:11-12
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare. Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 77:14
Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu.
3
Mapisarema 77:13
Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?
4
Mapisarema 77:1-2
Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe. Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo