vana VaIsiraeri vakati kwavari, “Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.”
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kunozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murairo wangu, kana kwete.