Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 14

14
Pauro naBarnabasi paIkonio neDerbe neRistra.
1Ɀino paIkonio ʋakapinda kamŋe ʋose musinagoge raʋaJuda, ʋakataura nokuɗaro kuti ʋazhinji‐zhinji ʋaʋaJuda naʋaGiriki ʋakatenda. 2Asi ʋaJuda ʋasina‐kuterera, ʋakamutsa mŋoyo yaʋahedeni, kuti ʋaʋeŋge hama. 3Naiɀoɀo ʋakagara’po ŋguʋa refu, ʋacitaura munaShe ʋasiŋgatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akaʋapa simba kuti ɀiratidzo neɀishamiso ɀiitwe namaʋoko aʋo. 4Asi ʋanhu ʋazhinji ʋeguta ʋakapesana, ʋamŋe ʋakaʋa kuʋaJuda, ʋamŋe kuʋaapostora. 5Ɀino ʋahedeni, naʋaJuda, naʋaɓati ʋaʋo ʋakati ʋaciʋaʋarira kuʋaitira ɀakaipa nokuʋataka namabge; 6iʋo ʋakaɀiziʋa, ʋakatizira Ristra neDerbe, aiʋa maguta eRikaonia, nokunyika yakapoteredza; 7ʋakaparidzira Evaŋgeri ikoko.
8Ɀino paRistra paigara mumŋe murume wakaŋga asinesimba patsoka dzake, cirema kubva paɗumbu ramai ʋake, asina‐kutoŋgofamba. 9Iye wakanzwa Pauro acitaura; ɀino iye wakati acimutarisisa, akaʋona kuti unokutenda kuti uŋgaporeswa, 10akati nenzwi guru: Mira kwaɀo netsoka dzako. Iye akavazuka, akafamba. 11Ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona ɀaitwa naPauro, ʋakaɗanidzira norurimi rwaʋaRikaonia, ʋaciti: Ʋamŋari ʋaɓurukira kwatiri, ʋaita saʋanhu. 12Barnabasi ʋakamutumidza Jupiteri, naPauro Merkurio, nokuti ndiye waiʋa mutauri mukuru. 13Ipapo muprista waJupiteri waiʋa netembere yake pamberi peguta, akaʋuya pamasuʋo nenzombe namaruʋa okushoŋga, aciɗa kuʋaɓayira, anaʋanhu ʋazhinji naye. 14Ɀino ʋaapostora, Barnabasi naPauro, ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakamhanyira pakati paʋanhu ʋazhinji, ʋakaɗanidzira, 15ʋaciti: Ʋarume, munoitireiko iɀoɀi? Nesu tiri ʋanhu semi ʋo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaiɀoɀo ɀisinamaturo, mutendeʋukire kunaMŋari mupenyu wakaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo. 16Iye, paŋguʋa dzakapfuʋura wakatendera ʋahedeni ʋose kufamba nenzira dzaʋo. 17Asi haana‐kurega kuɀipupurira, aciita ɀakanaka, acikupai mvura yokuɗeŋga, neŋguʋa dzeɀiyo ɀizhinji, acizadza mŋoyo yenyu neɀokudya nomufaro. 18Nokutaura kwaʋo saiɀoɀo, ʋakatambura kwaɀo kudziʋisa ʋanhu kuti ʋarege kuʋaɓayira.
19Ipapo ʋaJuda ʋakabva Antiokia neIkonio, ʋakaȿika, ʋakamutsa mŋoyo yaʋanhu ʋazhinji, ʋakataka Pauro namabge, ʋakamukweʋera kunze kweguta ʋaciti wafa. 20Asi ʋadzidzi ʋakati ʋamukomba, iye akasimuka, akapinda muguta. Fume maŋgwana akaenda Derbe naBarnabasi. 21Ʋakati ʋaparidza Evaŋgeri paguta iro, ʋakaita ʋadzidzi ʋazhinji, ndokudzokera Ristra, neIkonio, neAntiokia, 22ʋacisimbisa mŋeya yaʋadzidzi, ʋaciʋaraira kuti ʋatsuŋgirire pakutenda, ʋaciti, tinofanira kupinda ʋushe bgaMŋari namaɗambudziko mazhinji. 23Ʋakaʋasanaŋgurira ʋakuru pakereke imŋe neimŋe, ʋakanyeŋgetera, ʋaciɀinyima ɀokudya, ʋakaʋaisa kunaShe, waʋaitenda. 24Ʋakagura nePisidia, ndokuȿika Pamfiria. 25Ʋakati ʋaparidza shoko paPerga, ʋakaɓurukira Ataria. 26Ʋakabva’po, ʋakaenda Antiokia necikepe, apo paʋakaŋga ʋaiswa panyasha dzaMŋari kuɓate‐ɓasa raʋakaŋga ʋapedzisa ɀino. 27Ʋakati ʋaȿika, ʋakaʋuŋganidza kereke, ʋakarondedzera ɀose ɀakaŋga ɀaitwa naMŋari naʋo, ʋuye kuti wakaŋga azarurira ʋahedeni mukoʋa wokutenda. 28Ʋakagara ŋguʋa huru naʋadzidzi.

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda