Isaya 10
10
1Ʋanenhamo ʋanotema mitemo isino‐kururama, naʋanyori ʋanonyora ɀisakarurama; 2kuti ʋadziʋise ʋarombo pakururamisirwa, nokutorera ʋarombo ʋaʋanhu ʋaŋgu ɀaʋanofanira kuʋa naɀo, kuti ʋapambe cirikadzi, ʋatorere nherera ɀinhu ɀaʋo. 3Asi mucaiteiko pazuʋa rokutoŋgwa, nerokuparadzwa kucabva kure? Mucatizira kunani kundoɓatsirwa? Fuma yenyu mucaiʋigepiko? 4Ʋacaŋgokotama haʋo pakati paʋasuŋgwa, ʋacawira pasi pakati paʋakaʋurawa. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino.
Kurobga kwaʋaAsiria.
5Nhaiwe Asiria, shamhu yokutsamŋa kwaŋgu, wakaɓata muruʋoko rwake tȿimbo yeshuŋgu dzaŋgu! 6Ndicamutuma kundorwa norudzi runomhura Mŋari, ndicamuraira kundorwa naʋanhu ʋandinotsamŋira, kuti andotora ɀakapambga, andotora ɀakatapxa, aɀitsikire pasi seɗope riri munzira dzomumusha. 7Asi iye haafuŋgi kuita iɀoɀo, nomŋoyo wake hauraŋgariri ɀakaɗaro; asi iye unoraŋgarira kuparadza nokupedza marudzi mazhinji. 8Nokuti iye unoti: Ko macinda aŋgu ose haazi madzimambo here? 9Ko Karno harinakuitirwa ɀakaitirwa Karkemishi here? NeHamati seArpadi here? NeSamaria seDamasko here? 10Ruʋoko rwaŋgu seɀarwakaȿikira ʋushe bgeɀifananidzo, kunyaŋge ɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋezwa ɀakaŋga ɀicipfuʋura ɀapaJerusarema neSamaria, 11handiŋgaitiri Jerusarema neɀifananidzo ɀaro seɀandakaitira Samaria neɀifananidzo ɀaro here?
12Saka ɀino kana Ishe apedza ɓasa rake rose pagomo reZioni napaJerusarema, ndicaroʋa ɀiɓereko ɀomŋoyo unoɀikudza wamambo weAsiria, namanyawi okuɀikudza kwake. 13Nokuti wakati: Ndakaɀiita nesimba roruʋoko rwaŋgu, ʋuye noʋucenjeri bgaŋgu, nokuti ndinenjere; ndakabvisa miganho yaʋanhu, ndakapamba fuma yaʋo; semhare ndakawisira pasi ʋaigara paɀigaro ɀoʋushe; 14ruʋoko rwaŋgu rwakawana fuma yamarudzi aʋanhu seɗendere; ndakaʋuŋganidza nyika yose, somunhu unoʋuŋganidza mazai akasiyiwa; hapana‐wakapfakanyisa ɓapiro, kana kushamisa muromo, kana kurira. 15Ko sanhu riŋgaɀirumbidza pamsoro pounotema naro here? Kana jeko riŋgaɀikudza pamsoro pounoɓata naro here? Ɀaifanana netȿimbo inozunuŋgusa ʋanoroʋa nayo, kana muɗonɀo unosimudza cinhu cisati ciri huni.
16Naiɀoɀo Ishe, Ishe wehondo, ucatuma kuwonda pakati paʋakakora ʋake; pasi pokubginya kwake pacaɓatidzwa cinopisa cakafanana nokupisa kwomŋoto. 17Ciedza caʋaIsraeri cicaʋa mŋoto, noMutȿene wake muraɀo womŋoto; ucapisa nokupedza minzwa yake norukato rwake nezuʋa rimŋe. 18Ucapedza kubginya kweɗondo rake, nokwomunda wake wakaʋorera, mŋeya nomuʋiri kamŋe, ɀifanane nendonda inoŋgoramba icipera simba. 19Miti yakasara yeɗondo rake icaʋa mishoma, iŋganyorwa nomŋana.
20Ɀino nezuʋa iro ʋakasara ʋaIsraeri, naʋaneŋge ʋapukunyuka paimba yaJakobo, haʋaŋgazosendamiri kunowakaʋaroʋa, asi ʋacasendamira kunaJehova, Mutȿene waIsraeri, neɀokwaɗi. 21Ʋakasara ʋacadzoka, iʋo ʋakasara ʋaJakobo, kunaMŋari unesimba. 22Nokuti kunyaŋge ʋanhu ʋenyu, imi Israeri, ʋakaita sejeca reguŋgwa, ʋakasara ʋaʋo ʋoga ʋacadzoka; nokuti ʋakatemerwa kuparadzwa kuzere nokururama. 23Nokuti Ishe, Jehova wehondo, ucapedzisa kuparadza, kwakagara kwatemŋa, panyika yose.
24Saka ɀanzi naShe, Jehova wehondo: Imi ʋanhu ʋaŋgu ʋagere Zioni, musatya muAsiria, kunyaŋge akakuroʋai neshamhu nokukusimudzirai tȿimbo yake, seɀaakaitira Egipita. 25Nokuti kwasara ciŋguʋa ciɗuku, kutsamŋa kwaŋgu kucapera, hasha dzaŋgu dzicaʋaparadza. 26Jehova wehondo ucamusimudzira tyaʋa, sapakurobga kwaʋaMidiani paɗombo reOrebi; shamhu yake icaʋa pamsoro peguŋgwa, ucaisimudza seɀaakaitira Egipita. 27Ɀino nezuʋa iro mutoro wake ucabviswa pamafudzi ako, nejoko rake pamutsipa wako, joko ricaparadzwa nokuɗa kwamafuta.
28Waȿika paAiati, wapfuʋura napaMigroni, waceŋgeta nhumbi dzake paMikmashi; 29ʋakwira napamupata, ʋakaʋata paGeba ʋusiku; Rama rinoɗeɗera, Gibea raSauro ratiza. 30Ƌanidzira nenzwi rako, iwe mukunda weGarimi! Terera, iwe Raisha! Iwe Anatoti woʋurombo! 31Madmena wotiza, ʋagere Gebimi ʋoroŋgedza kutiza. 32Zuʋa ranhasi ucazorora paNobi; unozunuŋgusira gomo romukunda weZioni, ico cikomo ceJerusarema, ruʋoko rwake.
33Tarirai, Ishe, Jehova wehondo, ucatema mashizha nokutyisa; akareɓa acatemŋa, naakakwirira acawiswa pasi. 34Ucatema neɗare matenhere eɗondo, Rebanoni ricawiswa nounesimba.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018