Isaya 11
11
Ʋushe bgakanaka bgaMesiasi.
1Ɀino pahunde yaJese pacaɓuɗa ɓukira, ɗaʋi, rinoɓuɗa pamidzi yake, ricaɓereka ɀiɓereko. 2Mŋeya waJehova ucagara pamsoro pake, mŋeya wenjere nowokuŋgwara, mŋeya wamano nesimba, mŋeya wokuziʋa nokutya Jehova. 3Mufaro wake ucaʋa pakutya Jehova; haaŋgatoŋgi nokuŋgoʋona nameso ɓedzi, kana kupa mhoȿa nokuŋgonzwa nenzeʋe dzake ɓedzi; 4asi ucatoŋgera ʋarombo nokururama, ucatambira ʋanyoro ʋenyika mhaka dzaʋo ɀakarurama; ucaroʋa nyika neshamhu yomuromo wake, ucaʋuraya ʋakaipa nomŋeya wemiromo yake. 5Kururama ricaʋa banhire reciʋuno cake, kutendeka ricaʋa banhire reɀidɀa ɀake. 6Ƃere ricagara negwaiana, iŋgwe icaʋata pasi nembudzana, nemhuru nomŋana weshumba necipfuwo cakakora pamŋe cete; ʋuye mŋana muɗuku ucadzituŋgamirira. 7Mhou neɓere ɀicacera; ʋana ʋadzo ʋacaʋata pamŋe cete; shumba icadya ʋuswa senzombe. 8Mŋana unomŋa, ucatamba pamŋena wenyoka, ʋuye mŋana wakarumurwa ucapinza ruʋoko rwake muɓako remvumbi. 9Haɀiŋgakuʋadzi kana kuparadza pagomo raŋgu rose dɀene, nokuti nyika yose icazara nokuziʋa Jehova, seɀinofukidza mvura pasi peguŋgwa.
10Nezuʋa iro mudzi waJese, iwo umire’po somureza waʋanhu, ucatȿakwa namarudzi aʋanhu; nɀimbo yake yokuzorora icaʋa nembiri.
11Ɀino nezuʋa iro Ishe ucatambanudza ɀe ruʋoko rwake rwecipiri kuti adzikinure ʋakasara ʋaʋanhu ʋake, iʋo ʋaneŋge ʋasara, ʋari paAsiria, neEgipita, nePatrosi, neKushi, neErami, neShinari, neHamati, nokuɀiwi ɀeguŋgwa. 12Ucasimudzira marudzi mureza, nokuʋuŋganidza ʋadziŋgwa ʋaIsraeri, nokuʋuŋganidza ʋaJuda ʋakaparadzirwa kumatiʋi manna enyika. 13Ipapo goɗo raʋaEfraimi ricapera, naʋanomanikidza ʋaJuda ʋacaparadzwa; ʋaEfraimi haʋaŋgagoɗori ʋaJuda, naʋaJuda haʋaŋgamanikidzi ʋaEfraimi. 14Asi ʋacabururukira pamsoro pamafudzi aʋaFiristia kumaʋirazuʋa, ʋacapambara pamŋe cete ʋana ʋamabvazuʋa; ʋacatambanudzira maʋoko aʋo kuʋaEdomi naʋaMoabi, naʋana ʋaAmoni ʋacaʋaterera. 15Jehova ucaparadza cose rurimi rweguŋgwa reEgipita, ucasimudzira ruʋoko rwake pamsoro poRwizi nemhepo yake inopisa, ndokururoʋa ruite hoʋa nomŋe, ayambuse ʋanhu ʋakafuka shaŋgu. 16Ʋanhu ʋake ʋakasara, ʋakasara Asiria, ʋacaʋa nenzira huru; seɀaɀakaitirwa Israeri nezuʋa raʋakaɓuɗa munyika yeEgipita.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 11: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018