1
Isaya 11:2-3
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋeya waJehova ucagara pamsoro pake, mŋeya wenjere nowokuŋgwara, mŋeya wamano nesimba, mŋeya wokuziʋa nokutya Jehova. Mufaro wake ucaʋa pakutya Jehova; haaŋgatoŋgi nokuŋgoʋona nameso ɓedzi, kana kupa mhoȿa nokuŋgonzwa nenzeʋe dzake ɓedzi
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 11:1
Ɀino pahunde yaJese pacaɓuɗa ɓukira, ɗaʋi, rinoɓuɗa pamidzi yake, ricaɓereka ɀiɓereko.
3
Isaya 11:4
asi ucatoŋgera ʋarombo nokururama, ucatambira ʋanyoro ʋenyika mhaka dzaʋo ɀakarurama; ucaroʋa nyika neshamhu yomuromo wake, ucaʋuraya ʋakaipa nomŋeya wemiromo yake.
4
Isaya 11:5
Kururama ricaʋa banhire reciʋuno cake, kutendeka ricaʋa banhire reɀidɀa ɀake.
5
Isaya 11:9
Haɀiŋgakuʋadzi kana kuparadza pagomo raŋgu rose dɀene, nokuti nyika yose icazara nokuziʋa Jehova, seɀinofukidza mvura pasi peguŋgwa.
6
Isaya 11:6
Ƃere ricagara negwaiana, iŋgwe icaʋata pasi nembudzana, nemhuru nomŋana weshumba necipfuwo cakakora pamŋe cete; ʋuye mŋana muɗuku ucadzituŋgamirira.
7
Isaya 11:10
Nezuʋa iro mudzi waJese, iwo umire’po somureza waʋanhu, ucatȿakwa namarudzi aʋanhu; nɀimbo yake yokuzorora icaʋa nembiri.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo