Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 12

12
Rwiyo rwokuʋoŋga.
1Nezuʋa iro ucati: Ndinokuʋoŋgai Jehova; makaŋga makanditsamŋira, asi kutsamŋa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza. 2Tarirai, Mŋari ndiye ruponeso rwaŋgu; ndicaʋimba naye, handiŋgatyi; nokuti Jehova, iye Jehova, ndiye simba raŋgu norwiyo rwaŋgu; iye waʋa ruponeso rwaŋgu. 3Saka mucacera mvura nomufaro pamatsime oruponeso. 4Ɀino nezuʋa iro mucati: Ʋoŋgai Jehova, paridzai zita rake, ziʋisai maɓasa ake pakati paʋanhu, muʋudze ʋanhu kuti zita rake rinokudziwa. 5Imbirai Jehova; nokuti wakaita ɀinhu ɀakaiȿo‐naka; iɀi ŋgaɀizikanwe panyika yose. 6Ƌanidzira upururudze, iwe ugere paZioni; nokuti Mutȿene waIsraeri mukuru pakati penyu.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 12: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda