Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 13

13
Shoko raJehova pamsoro peBabironi.
1Cireʋo caMŋari pamsoro peBabironi, cakaʋonekwa naIsaya, mŋanakomana waAmozi.
2Simudzai mureza pagomo risinemiti; ɗanidzirai kwaʋari, ninirai noruʋoko, kuti ʋapinde pamasuʋo aʋakuru. 3Ndakaraira ʋatȿene ʋaŋgu, ndakaɗana mhare dzaŋgu nokuɗa kwokutsamŋa kwaŋgu, iʋo ʋarume ʋaŋgu ʋanofara ʋaciɀikudza. 4Inzwai kutinhira pamakomo, kwakaita sokwaʋanhu ʋazhinji! Kutinhira kweʋuŋgano dzoʋushe bgamarudzi akaʋuŋgana pamŋe cete! Jehova wehondo wogadzira hondo kundorwa. 5Ʋanobva kunyika iri kure, kumugumo weɗeŋga, iye Jehova nenhumbi dzake dzokurwa dzeshuŋgu dzake, kuti aparadze nyika yose.
6Cemai, nokuti zuʋa raJehova riri pedyo; rinoȿika sokuparadza kunobva kunaWamasimba ose. 7Saka maʋoko ose acashaiwa simba, nomŋoyo mumŋe nomumŋe waʋanhu ucanyauka; 8ʋacavunduka; ʋacaɓatwa nokurwadziwa namaɗambudziko; ʋacarwadziwa somukadzi unosurumuka; ʋacatarirana ʋacishamiswa; ɀiso ɀaʋo ɀicafanana neɀiso ɀomŋoto. 9Tarirai, zuʋa reJehova rinoʋuya, rinotyisa, rinehasha nokutsamŋa kukuru, kuti ashandure nyika riite ɗoŋgo, nokuparadza ʋatadzi ʋayo ʋabve’mo. 10Nokuti nyeredzi dzokuɗeŋga, namapoka adzo, hadziŋgaratidzi ciedza cadzo; zuʋa ricaȿiɓiswa pakuɓuɗa kwaro, ʋuye mŋedzi hauŋgavenekeri neciedza cawo. 11Ndicaroʋa nyika nokuɗa kwokushata kwayo, naʋakaipa nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋo; ndicagumisa manyawi aʋanoɀikudza, nokuwisira pasi kuɗaɗa kwaʋanotyisa. 12Ʋanhu ndicaʋaita ʋashoma kupfuʋura ndarama yakaiȿo‐naka, iye munhu kupfuʋura ndarama tȿene yeOfiri. 13Saka ndicaɗeɗeresa ɗenga, nyika icazunuŋguswa ibve panɀimbo yayo, nehasha dzaJehova wehondo, napazuʋa rokutsamŋa kwake kukuru. 14Ɀino semhara inovimŋa, ʋuye seɀipfuwo ɀisina‐unoɀiʋuŋganidza, saiɀoɀo munhu mumŋe nomumŋe ucadzokera kurudzi rwake, mumŋe nomumŋe ucatizira kunyika yake. 15Mumŋe nomumŋe unowanikwa, ucaɓayiwa; mumŋe nomumŋe unoɓatwa, ucaʋurawa nomunondo. 16Ʋacece ʋaʋo ʋacaroʋerwa pasi pamberi paʋo, dzimba dzaʋo dzicapambga, ʋakadzi ʋaʋo ʋacacinyiwa. 17Tarirai, ndicaʋamutsira ʋaMedia, ʋasiŋgaraŋgariri sirveri, kunyaŋge ndarama haʋaifariri. 18Ʋuta bgaʋo ʋucawisira pasi majaya aʋo, haʋaŋgaʋi netsitsi neɀiɓereko ɀeciɀaro; ziso raʋo hariŋgaɗariki ʋana. 19Ɀino Babironi, rinembiri paʋushe bgose, raiɀikudza ʋaKardea pamsoro pokunaka kwaro, ricaita sapaŋguʋa yakaparadza Mŋari Sodoma neGomora. 20Hariŋgatoŋgogarwi naʋanhu, hakuna‐ʋangatoŋgogara’mo kuȿikira kumarudzi namarudzi; kunyaŋge nomuArabia haaŋgadziki tente rake’mo, naʋafudzi haʋaŋgaʋatisi mapoka aʋo’po. 21Asi ɀikara ɀomusaŋgo ɀicaʋata’mo; dzimba dzaʋo dzicazara neɀinorira; mhou dzicagara’mo, nemŋeya yakaipa icatamba’po. 22Mapere acarira munhare dzaʋo, namakaʋa mudzimba dzamadzimambo dzaifadza; ŋguʋa yaro yasweɗera pedyo, mazuʋa aro haaŋgawedzerwi.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 13: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda