Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 19

19
Cireʋo pamsoro peEgipita.
1Cireʋo pamsoro peEgipita.
Tarirai, Jehova wakataȿa gore rinomhanya, wosweɗera Egipita; ɀifananidzo ɀeEgipita ɀicaɗeɗera pamberi pake, nomŋoyo weEgipita ucanyauka mukati mawo. 2Ndicamutsa mŋoyo yaʋaEgipita ʋamukire ʋaEgipita; mumŋe nomumŋe ucarwa nehama yake, mumŋe nomumŋe nowakaʋakirana naye; guta ricamukira guta, ʋushe ʋucamukira ʋushe. 3Mŋeya weEgipita ucapera mukati mawo; ndicaparadza kufuŋga kwawo; ʋacandobvunza ɀifananidzo, naʋanamazaŋgo, naʋaʋuki neŋaŋga. 4Ndicaisa ʋaEgipita muruʋoko rwamambo unehasha; mambo unomŋoyo mukukutu ucaʋaɓata ʋushe, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Jehova wehondo. 5Mvura icapxa muguŋgwa, rwizi rucaɗerera nokuwoma. 6Nzizi dzicanhuwa, hoʋa dzeEgipita dzicaʋa shoma nokupxa; tsaŋga nenhokwe dzicawoma. 7Mafuro kunhiʋi dzaNairi, pamhenderekedzo dzaNairi, neminda yose yakadɀarwa yaNairi, ɀicawoma, ɀicatorwa nemhepo, haɀicazoʋi’po. 8Ʋaɓati ʋehoʋe ʋacacema, ʋose ʋanokandira ɀiredzo maNairi ʋacawuŋgudza, ʋanokanda ʋutaʋa bgaʋo mumvura ʋacapera simba. 9Ʋuye ʋanoɓata necinda yakanatswa, naʋanoruka miceka micena, ʋacanyadziswa. 10Mbiru dzicaputswa‐putswa; ʋose ʋanoɓatira muɓairo ʋacaʋa neshuŋgu pamŋeya. 11Macinda eZoani mapenzi kwaɀo; mano amakota akaiȿo‐cenjera aFarao ashanduka ʋupenzi; munoreʋa seiko kunaFarao, muciti: Ndini mŋanakomana waʋakacenjera, mŋanakomana wamadzimambo akare? 12Ʋaripiko ɀino iʋo ʋanhu ʋako ʋakacenjera? Ŋgaʋakuʋudze ɀino; ŋgaʋaziʋise ɀakafuŋgwa naJehova wehondo pamsoro peEgipita. 13Macinda eZoani aʋa mapenzi, macinda eNofi akanyeŋgerwa; ʋakarashisa Egipita nzira, iʋo ʋaiʋa ibge rekona ramarudzi aʋo. 14Jehova wakaɗira mŋeya wokuramba mukati maʋo; ʋakarashisa Egipita nzira pamaɓasa aʋo ose, somunhu wakaɓatwa neɗoro unodzedzereka pakurutsa kwake. 15Saka Egipita haiŋgazoʋi neɓasa cose, riŋgaitwa nomusoro kana nomuswe, kana neɗaʋi romucindwe kana nenhokwe.
16Nezuʋa iro ʋaEgipita ʋacafanana naʋakadzi; ʋacaɗeɗera nokutya nokuɗa kwokusimudzwa kworuʋoko rwaJehova wehondo, rwaanosimudza pamsoro paʋo. 17Nyika yaJuda icaʋa cityiso ceEgipita; mumŋe nomumŋe unoɀiʋudzwa ucatya nokuɗa kwomutemo waJehova wehondo, waakatema pamsoro paʋo.
18Nezuʋa iro maguta mashanu acaʋa’po panyika yeEgipita, anotaura rurimi rweKanani, ʋacipika naJehova wehondo; mumŋe ucaidzwa Guta rokuparadzwa.
19Nezuʋa iro pakati penyika yeEgipita pacaʋa neartari kunaJehova, nembiru pamuganho waro kunaJehova. 20Ɀicaʋa ciratidzo necapupu caJehova wehondo panyika yeEgipita; nokuti ʋacaɗanidzira kunaJehova nemhaka yaʋamanikidzi, ucaʋatumira muponesi nomurwiri, iye ucaʋaponesa. 21Jehova ucaɀiratidza kuEgipita, naʋaEgipita ʋacaziʋa Jehova nezuʋa iro; ɀirokwaɀo ʋacamunamata neɀiɓayiro neɀipo, ʋacapikira Jehova mhiko, nokuɀiita. 22Jehova ucaroʋa Egipita, aciroʋa nokuporesa ɀe; ɀino ʋacadzokera kunaJehova, iye ucanzwa kunyeŋgetera kwaʋo akaʋaporesa.
23Nezuʋa iro nzira huru icaʋa’po inobva Egipita icienda Asiria; ʋaAsiria ʋacaenda Egipita, naʋaEgipita ʋacaenda Asiria; ʋaEgipita ʋacanamata pamŋe cete naʋaAsiria.
24Nezuʋa iro ʋaIsraeri ʋacaʋa rudzi rwecitatu ʋaciteʋera Egipita neAsiria, ʋacaʋa ruropafadzo pakati penyika; 25nokuti Jehova wehondo wakaʋaropafadza, aciti: ƲaEgipita, ʋanhu ʋaŋgu, naʋaAsiria, ɓasa ramaʋoko aŋgu, naʋaIsraeri, nhaka yaŋgu, ŋgaʋaropafadzwe.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 19: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda