Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 33

33
Jehova ucarwira ʋanhu ʋake.
1Unenhamo, iwe unoparadza, usino‐kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyeŋgera, asi haʋanakukuitira nokunyeŋgera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newe ʋo ucaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyeŋgera, ʋacakuitira nokunyeŋgera newe ʋo. 2Jehova mutinzwirei tsitsi, takakumirirai; iʋai ruʋoko rwaʋo maŋgwanani ose, noruponeso rweɗu paŋguʋa yokutambudzika. 3Marudzi aʋanhu akatiza acinzwa mubvumo, marudzi akaparadzirwa imi mucisimuka. 4Ɀakapambga ɀenyu ɀicaparadzwa, seɀinoparadza gwatakwata; somumhanyire wemhashu, saiɀoɀo ʋanhu ʋacamhanyira kwaɀiri. 5Jehova wakakudzwa, nokuti unogara kumsoro; wakazadza Zioni nokururamisira nokururama. 6Paŋguʋa dzako pacaʋa nokugarika, nokuwanda kwokuponeswa, noʋucenjeri neziʋo; kutya Jehova ndiyo fuma yake.
7Tarirai, mhare dzaʋo dzinoɗanidzira dziri kunze; nhume dzorugare dzinocema ɀikuru. 8Migwagwa mikuru yaparadzwa, ʋafambi haʋaci’po; waputsa suŋgano, waɀidza maguta, haanehanya nomunhu. 9Nyika inocema, yaziya; Rebanoni ranyadziswa, rowoma; Sharoni rafanana nerenje; Bashani neKarmeri azuka mashizha. 10Ɀino ndicasimuka, ndiɀo ɀinotaura Jehova; ɀino ndicaɀisimudza, ɀino ndicakudzwa. 11Imi mucaʋa nemimba yehundi, mucaɓereka mashaŋga; mŋeya wenyu mŋoto ucakupedzai. 12Marudzi aʋanhu acaita sokupiswa kwesuko, seminzwa yakatemŋa, inopiswa nomŋoto.
13Inzwai, imi muri kure, ɀandakaita; imi muri pedyo, muziʋe simba raŋgu. 14Ʋatadzi ʋari paZioni ʋanotya, ʋasiŋgaɗi Mŋari, ʋaɓatwa nokuɗeɗera. Ndianiko pakati peɗu uŋgagara nomŋoto unoparadza? Ndiani pakati peɗu uŋgagara nokupisa kusiŋgaperi? 15Ndiye unofamba nokururama, unotaura ɀakarurama; iye unoshoʋora fuma yakawanikwa nokunyeŋgera, unozuza maʋoko ake aciramba fufuro, unodziʋira nzeʋe dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, unotsinzina meso ake kuti arege kutarira ɀakaipa; 16iye ucagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzicaʋa ʋutiziro bgake; ɀokudya ɀake ucaɀipiwa, mvura yake haiŋgapxi. 17Meso ako acaʋona mambo pakunaka kwake, acaʋona nyika yakakura kwaɀo. 18Mŋoyo wako ucaraŋgarira ŋguʋa yokutya, uciti: Uripiko iye waiʋereŋga, uripiko waiyera mutero? Uripiko waiʋereŋga shoŋgwe? 19Hauŋgazoʋoni ʋanhu ʋanehasha, ʋanhu ʋanorurimi runoshamisa, rwausiŋgagoni kunzwa, rurimi rwokumŋe rwausiŋgagoni kunzwisisa. 20Tarirai Zioni, iro guta remitambo yeɗu; meso ako acaʋona Jerusarema bgaʋa ʋugaro bgakadzikama, tente risiŋgazobviswi, mbambo dzaro dzisiŋgazovomorwi, neɓote raro rimŋe risiŋgazoɗamburwi. 21Asi Jehova ucaʋa’po nesu noʋumambo bgake, icaʋa nɀimbo inenzizi nehoʋa dzakafara, magwa anokwaȿiwa haaŋgaȿiki’po, neɀikepe ɀikuru haɀiŋgapfuʋuri’po. 22Nokuti Jehova ndiye mutoŋgi weɗu, Jehova ndiye mutemi wemirairo yeɗu, Jehova ndiye mambo weɗu; iye ucatiponesa. 23Maɓote ako akati ɗembu‐tembu; haagoni kusimbisa muromo wapasi weɗanda recikepe caʋo, haagoni kutasanura seiri; ipapo ɀakatapxa neɀakapambga ɀizhinji ɀinogoʋerwa; ɀirema ɀinotora ɀakatapxa. 24Hakuna‐ugere’mo, ucati: ndinorwara; ʋanhu ʋagere’mo ʋacakaŋganwirwa ɀakaipa ɀaʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 33: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda