Isaya 34
34
Zuʋa raJehova rokutoŋga marudzi aʋanhu.
1Sweɗerai, imi marudzi aʋanhu, munzwe, tererai imi ʋanhu; nyika ŋgainzwe, neɀose ɀayo, pasi pose, neɀose ɀinoɓuɗa’mo. 2Nokuti Jehova wakatsamŋira marudzi ose, unehasha nehondo dzawo dzose; wakaʋaparadza cose, wakaʋaisa pakuʋurawa. 3Ʋakaʋurawa ʋaʋo ʋacarashwa kunze, kunhuwa kweɀitunha ɀaʋo kucakwira, makomo acanyauswa neropa raʋo. 4Hondo dzose dzokuɗeŋga dzicanyakatika, ɗeŋga rose ricapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzicawoma, sokuwoma kwamashizha pamuzambiriŋga, ʋuye seshizha rinowoma pamuʋonde. 5Nokuti munondo waŋgu wanwa ukaguta kuɗeŋga; tarirai ucaɓurukira pamsoro paEdomi, napamsoro paʋanhu ʋakatukwa neni, kuti ʋatoŋgwe. 6Munondo waJehova uzere neropa, unobginya namafuta, neropa ramakwaiana nerembudzana, namafuta etȿo dzamakondobge; nokuti Jehova uneciɓayiro cake paBozra, nokuɓaya kukuru panyika yaEdomi. 7Nyati dzicawa pamŋe cete naʋo, nenzombe pamŋe cete nehando; nyika yaʋo icaɓatwa neropa, guruʋa raʋo ricazara namafuta. 8Nokuti Jehova unezuʋa rokutsiʋa, negore rokutsiʋa ɀakaitirwa Zioni. 9Hoʋa dzayo dzicashanduka namo, guruʋa rayo surferi, nyika yayo icaitwa namo inopfuta. 10Haiŋgadzimŋi ʋusiku namasikati; ʋutsi bgayo ʋucakwira nokusiŋgaperi; ricaʋa ɗoŋgo kuȿikira kumarudzi namarudzi; hakunomunhu uŋgapfuʋura noko nokusiŋgaperi. 11Asi ɀicaʋa ɀehukurwizi nenuŋgu; zizi neguŋguʋu ɀicagara’mo; ucatambanudzira’po rwonzi rwokuparadza necokururamisa ceɀisinecinhu. 12Ʋakuru ʋayo ʋacaɗanirwa kuʋushe, asi haʋaŋgaʋi’po; macinda ayo ose acaʋa pasina. 13Minzwa icamera mudzimba dzamadzimambo ayo, ʋutumbambeʋa norukato munhare dzayo; ʋucaʋa ʋugaro bgamakaʋa, nenɀimbo yemhou. 14Ɀikara ɀomusaŋgo ɀicasoŋgana namapere, mŋeya wakaipa ucaɗana shamŋari yawo; ɀirokwaɀo, cikara coʋusiku cicagara’po norugare, ciciwana’po nɀimbo yokuzorora. 15Roʋambira icaita ɗendere rayo’po, nokukandira, nokucoconya mazai ayo, nokuʋuŋganidza ʋana ʋayo mumumvuri wayo; ɀirokwaɀo, ndi’po pacaʋuŋganira ʋuʋaŋgu, rumŋe norumŋe neshamŋari yarwo. 16Tȿakai pabuku yaJehova, muraʋe; hapanecimŋe ceɀinhu iɀi cicashaikwa, cicashaiwa shamŋari yaco; nokuti muromo waŋgu wakaraira iɀoɀo, nomŋeya wake wakaɀiʋuŋganidza. 17Iye wakaɀikandira mijenya, ruʋoko rwake rwakaɀiganhurira nyika norwonzi; icaʋa yaɀo nokusiŋgaperi, ʋacagara’mo kuȿikira kumarudzi namarudzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 34: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018