Isaya 36
36
Kurwa kwaSanheribi neJerusarema.
1Ɀino negore regumi namanna ramambo Hezekia, Sanheribi mambo weAsiria, wakandorwa namaguta ose aJuda akakombga namaȿiŋgo, akaakunda. 2Ɀino mambo weAsiria akatuma mukuru waʋatariri abve Rakishi aende Jerusarema kunamambo Hezekia nehondo huru. Akamira pamugero wedziʋa rokumsoro pamugwagwa unoenda kumunda womusuki. 3Ipapo Eriakimi mŋanakomana waHirkia, waiceŋgeta imba yamambo, naShebna munyori, naJoa mŋanakomana waAsafi, gota guru, ʋakaɓuɗira kwaari. 4Mukuru waʋatariri akati kwaʋari: Ɀino imi muti kunaHezekia: Ɀanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Kuʋimba uku kwaunoʋimba nako ndokwei? 5Ini ndinoti, mano ako nesimba rokurwa naro mashoko ɀawo asinamaturo; ɀino unoʋimba naniko, ɀawandimukira ini? 6Tarira, unoʋimba nomuɗonɀo worutsaŋga urwu rwakavunika, Egipita, runoti kana munhu akasendama kwaruri, rucapinda muruʋoko rwake, rukamuɓaya; ndiɀo ɀakaita Farao mambo weEgipita kunaʋose ʋanoʋimba naye. 7Asi kana ukati kwandiri: Tinoʋimba naJehova Mŋari weɗu, ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira namaartari ake naHezekia, akati kunaJuda neJerusarema: Munofanira kunamata pamberi peartari iri here? 8Naiɀoɀo ɀino cipikiranai henyu natenzi waŋgu, mambo weAsiria, ndikupe mabiza aneɀuru ɀiʋiri, kana iwe ukagona kuisa ʋataȿi pamsoro pawo. 9Uŋgagona seiko kukunda mukuru mumŋe kuʋaɗuku ʋaʋaranda ʋatenzi waŋgu? Ɀino woʋimba neEgipita kuti upiwe ŋgoro namabiza naʋo? 10Ini ndaʋuya kuzorwa nenyika ino kuti ndiiparadze ndisinaJehova kanhi? Ndiye Jehova wakati kwandiri: Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze. 11Ipapo Eriakimi, mŋanakomana waHirkia, naShebna, naJoa ʋakati kumukuru waʋatariri: Tinokumbira kuti mutaure henyu naʋaranda ʋenyu norurimi rweciAramia, nokuti tinocinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwaʋaJuda, ʋanhu ʋose ʋari paruȿiŋgo ʋaɀinzwe. 12Asi mukuru waʋatariri akati kwaari: Tenzi waŋgu wakandituma kunatenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana‐kundituma here kuʋanhu ʋagere pamsoro poruȿiŋgo, kuti ʋadye ndoʋe yaʋo nemvura yaʋo pamŋe cete nemi? 13Ipapo mukuru waʋatariri akamira, akaɗanidzira nenzwi guru norurimi rwaʋaJuda, akataura akati: Inzwai mashoko amambo mukuru, iye mambo weAsiria. 14Ɀanzi namambo: Hezekia ŋgaarege kukunyeŋgerai; nokuti haaŋgagoni kukurwirai; 15Hezekia ŋgaarege kukuʋimbisai naJehova, aciti: Jehova ucatirwira ɀirokwaɀo; guta iri hariŋgapiwi mumaʋoko amambo weAsiria. 16Musaterera Hezekia, nokuti ɀanzi namambo weAsiria: Yananai neni, muɓuɗirei kwandiri, mudye mumŋe nomumŋe muzambiriŋga wake, mumŋe nomumŋe muʋonde wake, mumŋe nomumŋe mvura yetsime rake; 17kuȿikira ini ndaʋuya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ineɀiyo newaini, nyika ineciŋgwa neminda yemizambiriŋga. 18Cenjerai kuti Hezekia arege kukugombedzerai, aciti: Jehova ucatirwira. Ko mumŋe waʋamŋari ʋamarudzi wakagona kurwira nyika yake paruʋoko rwamambo weAsiria here? 19Ʋamŋari ʋeHamati neArpadi ʋaripi? Ʋamŋari ʋeSefarvaimi ʋaripi? Ʋakarwira Samaria paruʋoko rwaŋgu here? 20Ndaʋapi pakati paʋamŋari ʋose ʋenyika idzi ʋakarwira nyika yaʋo paruʋoko rwaŋgu, ɀamunoti Jehova ucarwira Jerusarema paruʋoko rwaŋgu? 21Asi ʋakaramba ʋanyerere, haʋana kumupindura shoko rimŋe, nokuti murairo wamambo wakaŋga uciti: Regai kumupindura. 22Ɀino Eriakimi mŋanakomana waHirkia, waiceŋgeta imba, naShebna munyori, naJoa mŋanakomana waAsafi, gota guru, ʋakaenda kunaHezekia, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakamuʋudza mashoko omukuru waʋatariri.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 36: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018