Isaya 45
45
Koreshi unotumŋa naJehova kurwira ʋanhu ʋake.
1Ɀanzi naJehova kumuzodzwa wake, kunaKoreshi, wandakaɓata ruʋoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi aʋanhu pamberi pake, ndicisunuŋgura ɀiʋuno ɀamadzimambo, ndimuzarurire mikoʋa pamberi pake, namasuʋo arege kuzarirwa: 2Ini ndicaenda pamberi pako, ndicienzanisa pasina‐kuenzana; ndicaputsaputsa mikoʋa yendarira, nokuguragura mipfigo yendarama; 3ndicakupa fuma iri murima, noʋufumi bgakaʋanzwa panɀimbo dzisiŋgazikanwi, kuti uziʋe kuti ndini Jehova, Mŋari waIsraeri, unokuɗana nezita rako. 4Nokuɗa kwaJakobo muranda waŋgu, nokwaIsraeri musanaŋgurwa waŋgu, ndakakuɗana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyaŋge wakaŋga usiŋgandiziʋi. 5Ndini Jehova, hakunomumŋe; kunze kwaŋgu hakunomumŋe Mŋari. Ndicakusuŋga ciʋuno kunyaŋge usina‐kundiziʋa; 6kuti ʋaziʋe kubva kumaɓuɗazuʋa nokumaʋirazuʋa, kuti hakunomumŋe kunze kwaŋgu; ndini Jehova, hakunomumŋe. 7Ndini ndinoʋumba ciedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehova, unoita ɀinhu iɀi ɀose.
8Iwe ɗeŋga rose, ɗonhedza ɀicibva kumsoro, makore ŋgaaɗurure kururama; nyika ŋgaizaruke, kuti iɓuɗise ruponeso, iɓereke kururama pamŋe cete; ini Jehova ndakaɀisika.
9Unenhamo unorwa noMuiti wake, ico caeŋga pakati peɀaeŋga ɀevu! Ko ivu riŋgati kunounoriʋumba: Unoiteiko? Kana ɓasa rako riŋgati: Haanamaʋoko, here? 10Unenhamo unoti kunaɓaɓa: Unoɓerekeiko? Kana kumukadzi: Unoɀareiko? 11Ɀanzi naJehova, Mutȿene waIsraeri, noMuiti waʋo: Ndibvunzei pamsoro peɀicazoitwa; pamsoro paʋanakomana ʋaŋgu, napamsoro peɓasa ramaʋoko aŋgu, mundiraire. 12Ndakaita nyika, nokusika ʋanhu pamsoro payo; ini, namaʋoko aŋgu, ndakatatanura ɗeŋga rose; ndakaraira hondo yose yaro. 13Ndakamumutsa nokururama, ndicaruramisa nzira dzake dzose; iye ucaʋaka guta raŋgu, nokusunuŋgura ʋatapxa ʋaŋgu, asiŋgatȿaki muteŋgo kana muɓairo, ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
14Ɀanzi naJehova: Ɀakaɓatirwa neEgipita, neɀakashambadzirwa neEtiopia, naʋaSabea, iʋo ʋarume ʋarefu, ɀicaʋuya kwauri, ɀicaʋa ɀako; ʋacakuteʋera, ʋacaʋuya ʋakasuŋgwa namatare, ʋacafugama pamberi pako, ʋacikunyeŋgera, ʋaciti: Ɀirokwaɀo Mŋari uri pakati pako, hakunomumŋe, hakunomumŋe Mŋari. 15Ɀirokwaɀo, muri Mŋari unoʋanda, imi Mŋari waIsraeri, Muponesi. 16Iʋo ʋose ʋacanyadziswa ʋaʋe nenyadzi; ʋaiti ʋeɀifananidzo ʋacanyadziswa pamŋe cete. 17Asi ʋaIsraeri ʋacaponeswa naJehova noruponeso rusiŋgaperi; hamuŋganyadziswi kana kuʋa nenyadzi kuȿikira paŋguʋa dzisiŋgaperi.
18Nokuti ɀanzi naJehova wakasika ɗeŋga rose, iye Mŋari wakaʋumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti riʋe ɗoŋgo, asi wakaiʋumba kuti igarwe, ɀanzi naye: Ndini Jehova, hakunomumŋe. 19Handina‐kutaura pakaʋanda, panɀimbo yenyika yerima; handina‐kuti kurudzi rwaJakobo: Nditȿakei pasina; ini Jehova, ndinotaura ɀakarurama, ndinoparidza ɀaɀokwaɗi. 20Ʋuŋganai, muʋuye; sweɗerai pamŋe cete, imi makapukunyuka kumarudzi; ʋanotakura matanda iri mifananidzo yaʋo yakaʋezwa haʋaneziʋo, iʋo ʋanonyeŋgetera mŋari usiŋgagoni kuponesa. 21Paridzai, muɀiɓuɗise; ɀirokwaɀo, ŋgaʋaraŋgane pamŋe cete, ʋaciti: Ndiani wakaɀiratidza iɀi kubvira paŋguʋa yekare‐kare? Ndiani wakaɀiparidza pakutaŋga? Handizini Jehova here? Hakunomumŋe Mŋari kunze kwaŋgu, Mŋari wakarurama noMuponesi, hakunomumŋe kunze kwaŋgu. 22Tarirai kwandiri muponeswe, imi matiʋi ose enyika; nokuti ndini Mŋari, hakunomumŋe. 23Ndakapika neni ndimene, shoko raɓuɗa mumuromo maŋgu nokururama, hariŋgadzoki, kuti mabvi ose acandifugamira, marimi ose acapika neni. 24Ɀanzi pamsoro paŋgu: Kururama nesimba ɀiri munaJehova ɓedzi; ʋanhu ʋacaʋuya kwaari, ʋose ʋakaŋga ʋamutsamŋira ʋacanyadziswa. 25Rudzi rwose rwaIsraeri rucaruramisirwa munaJehova, nokuɀirumbidza maari.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 45: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018