Isaya 6
6
Isaya unoɗanwa naJehova.
1Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaʋona Ishe agere pacigaro coʋushe, cirefu cakakwirira, mipendero yeŋguʋo dzake icizadza tembere. 2Kumsoro kwake kwakaŋga kumire serafimi; imŋe neimŋe yakaŋga inamapapiro matanhatu; namaʋiri yakafukidza ciso cayo, namaʋiri yakafukidza makumbo ayo, namaʋiri yakaŋga icibururuka nawo. 3Imŋe yakaɗanidzira kuneimŋe, iciti: Mutȿene, mutȿene, mutȿene, iye Jehova wehondo; nyika yose izere nokubginya kwake. 4Nheyo dzeɀikumbaridzo dzikazunuŋguka nenzwi rowakaŋga aciɗana, imba ikazadzwa noʋutsi. 5Ipapo ndikati: Ndinenhamo! nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo inetȿina, ndigere pakati paʋanhu ʋemiromo inetȿina; nokuti meso aŋgu akaʋona Mambo, Jehova wehondo. 6Ipapo imŋe serafimi yakabururukira kwandiri, yakaɓata zimbe rinopfuta muruʋoko rwayo, rayakaŋga yatora nembato paartari; 7ikagumura muromo waŋgu naro, ikati: Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, ɀakaipa ɀako ɀabviswa, ziʋi ɀako ɀadzikinurwa. 8Ipapo ndakanzwa inzwi raShe riciti: Ndiŋgatuma aniko? Ndiani uŋgatiendira? Ipapo ndakati: Ndiri pano ini, nditumei. 9Iye akati: Enda, unondoʋudza ʋanhu aʋa, uti: Rambai henyu mucinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muciʋona, asi musaʋonesesa. 10Kodzai mŋoyo yaʋanhu aʋa, remedzai nzeʋe dzaʋo, tsinzinisai meso aʋo, kuti ʋarege kuʋona nameso aʋo, kana kunzwa nenzeʋe dzaʋo, kana kunzwisisa nemŋoyo yaʋo, ʋadzoke ʋapodzwe. 11Ɀino ndikati: Ishe kuȿikira riniko? Akapindura, akati: Kuȿikira maguta aʋa matoŋgo, asinaʋanogara’mo, nedzimba dzisinomunhu, nenyika yaparadzwa cose, 12kuȿikira Jehova abvisira ʋanhu kure, nenɀimbo, dzashanduka matoŋgo, dzaʋa zhinji panyika. 13Kana kuciŋge kwasara mukati mayo cegumi, naico ʋo cicadyiwa ɀe; seɀakaita muterebinti nomuouki wasiyirwa hunde kana watemŋa, saiɀoɀo rudzi rutȿene ndiyo hunde yawo.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 6: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018