1
Isaya 6:8
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakanzwa inzwi raShe riciti: Ndiŋgatuma aniko? Ndiani uŋgatiendira? Ipapo ndakati: Ndiri pano ini, nditumei.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 6:3
Imŋe yakaɗanidzira kuneimŋe, iciti: Mutȿene, mutȿene, mutȿene, iye Jehova wehondo; nyika yose izere nokubginya kwake.
3
Isaya 6:5
Ipapo ndikati: Ndinenhamo! nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo inetȿina, ndigere pakati paʋanhu ʋemiromo inetȿina; nokuti meso aŋgu akaʋona Mambo, Jehova wehondo.
4
Isaya 6:1
Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaʋona Ishe agere pacigaro coʋushe, cirefu cakakwirira, mipendero yeŋguʋo dzake icizadza tembere.
5
Isaya 6:7
ikagumura muromo waŋgu naro, ikati: Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, ɀakaipa ɀako ɀabviswa, ziʋi ɀako ɀadzikinurwa.
6
Isaya 6:2
Kumsoro kwake kwakaŋga kumire serafimi; imŋe neimŋe yakaŋga inamapapiro matanhatu; namaʋiri yakafukidza ciso cayo, namaʋiri yakafukidza makumbo ayo, namaʋiri yakaŋga icibururuka nawo.
7
Isaya 6:6
Ipapo imŋe serafimi yakabururukira kwandiri, yakaɓata zimbe rinopfuta muruʋoko rwayo, rayakaŋga yatora nembato paartari
8
Isaya 6:9
Iye akati: Enda, unondoʋudza ʋanhu aʋa, uti: Rambai henyu mucinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muciʋona, asi musaʋonesesa.
9
Isaya 6:10
Kodzai mŋoyo yaʋanhu aʋa, remedzai nzeʋe dzaʋo, tsinzinisai meso aʋo, kuti ʋarege kuʋona nameso aʋo, kana kunzwa nenzeʋe dzaʋo, kana kunzwisisa nemŋoyo yaʋo, ʋadzoke ʋapodzwe.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo