Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 15

15
1Ipapo Jehova akati kwandiri: Kunyaŋge Mosesi naSamueri ʋamire pamberi paŋgu, mŋoyo waŋgu hauŋgaʋi nehanya naʋanhu aʋa; uʋadziŋge pamberi paŋgu, ʋaende. 2Ɀino kana ʋakati kwauri: Ticaendepiko? Uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Ʋakafanirwa norufu ŋgaʋaende kurufu, ʋakafanirwa nomunondo, kumunondo, ʋakafanirwa nenzara, kunzara, naʋakafanirwa nokutapxa, kukutapxa. 3Ndicaʋatumira njodzi dzamarudzi manna — ndiɀo ɀinotaura Jehova — munondo kuʋaʋuraya, nembga kuʋakwekweredza, neshiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika kuʋadya nokuʋaparadza. 4Ndicaʋadzuŋgaidza pakati poʋushe bgenyika, nemhaka yaManase, mŋanakomana waHezekia, mambo waJuda, pamsoro peɀaakaita paJerusarema. 5Nokuti ndiani ucakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema? Ndiani ucakucema? Ndianiko ucatsauka kuzobvunza mufaro wako? 6Ɀanzi naJehova: Wakandiramba, wakadzokera shure; saka ndakatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kurwa newe, ndikakuparadza; ndaneta nokuɀiɗemba. 7Ndakaʋarudza necokurudza pamasuʋo enyika; ndakaʋatorera ʋana ʋaʋo, ndakaparadza ʋanhu ʋaŋgu; asi haʋana‐kudzoka panzira dzaʋo. 8Cirikadzi dzaʋo dzandiwandira kupfuʋura jeca reguŋgwa; ndakaʋuyisira mai namajaya muparadzi paŋguʋa yamasikati; ndakawisira mai kamŋe‐kamŋe kurwadziwa neɀinotyisa. 9Iye, wakaɓereka ʋanomŋe, wapera simba, waɓuɗisa mŋeya wake; zuʋa rake rakaʋira aciri masikati; wakanyadziswa nokukaŋganiswa; ʋakasara ʋaʋo ndicaʋaʋurayisa nomunondo pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
10Ndinenhamo mai ʋaŋgu, ɀamakandiɓereka ndiʋe munhu wenharo nomunhu wegakaʋa panyika yose! Handina‐kupa cikwerete, naʋanhu haʋana‐kutora cikwerete kwandiri; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanondituka ʋose. 11Jehova akati: Ɀirokwaɀo, ndicakusimbisira ɀakanaka; ɀirokwaɀo, ndicanyeŋgeteresa muʋeŋgi wako kwauri neŋguʋa yeɀakaipa, ʋuye neŋguʋa yokutambudzika. 12Ko ɗare riŋgavuniwa here, iro ɗare rinobva kurutiʋi rwokumsoro, kana ndarira here? 13Nhumbi dzako nefuma yako ndicaɀiisa kukutapxa, ɀisiŋgateŋgwi, nokuɗa kweɀiʋi ɀako ɀose pamiganho yako yose. 14Ndicakuendisa naʋaʋeŋgi ʋako kunyika yausiŋgaziʋi; nokuti mŋoto wakaɓatidzwa nokutsamŋa kwaŋgu, ucapfuta pamsoro penyu.
15Haiwa Jehova, imi munoziʋa; ndiraŋgarirei, mundishanyire, munditsiʋire ʋatambudzi ʋaŋgu; musandibvisa pakuitira kwenyu ʋamŋe mŋoyo murefu; ziʋai kuti ndakatukwa nokuɗa kwenyu. 16Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akaʋa mufaro waŋgu nokufadzwa kwomŋoyo waŋgu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehova, Mŋari wehondo. 17Handina‐kugara pakati peʋuŋgano yaʋanoseka, kana kufara naʋo; ndakagara ndiri ndoga nokuɗa kworuʋoko rwenyu, nokuti makandizadza nokutsamŋa kwenyu. 18Kurwadziwa kwaŋgu kunorambireiko kuri’po nokusiŋgaperi, ʋaŋga raŋgu rinorambirei kurapxa, risiŋgaɗi kupora? Mucaʋa kwandiri ɀirokwaɀo sorukoʋa runonyeŋgera, semvura inopxa here?
19Saka ɀanzi naJehova: Kana ukadzoka, ndicakudzosa, kuti umire pamberi paŋgu; kana ukatsaura ɀakanaka uciɀibvisa paneɀakaipa, ucaʋa somuromo waŋgu; iʋo ʋacadzokera kwauri, asi iwe usadzokera kwaʋari. 20Ndicakuita kunaʋanhu aʋa ruȿiŋgo rwendarira rwakasimbiswa; ʋacarwa newe asi haʋaŋgakukundi, nokuti ini ndinewe ndikuponese nokukurwira. 21Ndicakurwira pamaʋoko aʋakaipa, nokukudzikinura pamaʋoko aʋanotyisa.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 15: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda