Jeremia 16
16
Kutaxpa kwaIsraeri nokudzoswa kwaʋo.
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri ɀe, riciti: 2Rega kuwana mukadzi kana kuʋa naʋanakomana kana ʋanasikana panɀimbo ino. 3Nokuti ɀanzi naJehova pamsoro paʋanakomana napamsoro paʋanasikana ʋanoɓerekerwa panɀimbo ino, napamsoro pamadzimai aʋo akaʋaɓereka, napamsoro pamadziɓaɓa aʋo akaʋaɓereka panyika ino: 4Ʋacafa norufu rwakaipa kwaɀo; haʋaŋgacemŋi kana kuʋigwa; ʋacaʋa somupfudze panyika; ʋacapedzwa nomunondo ʋuye nenzara; ɀitunhu ɀaʋo ɀicaʋa ɀokudya ɀeshiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika. 5Nokuti ɀanzi naJehova: Usapinda muimba yokucema, usaʋawuŋgudzira kana kuʋacema; nokuti ɀanzi naJehova: Ndabvisa rugare rwaŋgu paʋanhu aʋa, ibgo ʋunyoro bgaŋgu nenyasha dzaŋgu. 6Ʋakuru naʋaɗuku ʋose ʋacafa munyika ino; haʋaŋgaʋigwi, naʋanhu haʋaŋgaʋacemi, kana kuɀiceka nokuɀiʋeʋura nokuɗa kwaʋo; 7ʋanhu haʋaŋgaʋameɗuriri ciŋgwa pakucema kwaʋo, ʋaciti ʋaʋanyaradze pamsoro paʋakafa, ʋuye ʋanhu haʋaŋgaʋapi mukombe wokunyaradza ʋanwe pamsoro paɓaɓa ʋaʋo kana mai ʋaʋo. 8Newe usapinda muimba yomutambo, kuti ugare naʋo, ucidya nokunwa. 9Nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicagumisa panɀimbo ino, muciɀiʋona pamazuʋa enyu, inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi recikomba nenzwi romŋeŋga. 10Ɀino kana uciziʋisa ʋanhu aʋa mashoko awa ose, iʋo ʋacati kwauri: Jehova wakareʋereiko ɀakaipa iɀi ɀikuru ɀose pamsoro peɗu? Kutadza kweɗu ndokwei? Ɀiʋi ɀeɗu ndeɀei, ɀatakaitira Jehova Mŋari weɗu? 11Ipapo iwe uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Nokuti madziɓaɓa enyu akandisiya, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari, nokuʋashumira nokuʋanamata, ʋakandisiya ini, ʋakasaceŋgeta murairo waŋgu; 12ɀino imi makaita ɀakaipa kupfuʋura madziɓaɓa enyu; nokuti tarirai, munofamba mumŋe nomumŋe noʋukukutu bgomŋoyo wake wakaipa, muciramba kunditerera. 13Saka ndicakudziŋgai panyika ino ndicikuisai kunyika yamakaŋga musiŋgaziʋi, kunyaŋge imi kunyaŋge madziɓaɓa enyu; ipapo mucashumira ʋamŋe ʋamŋari masikati noʋusiku, nokuti handiŋgakunzwiriyi ŋgoni.
14Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, mazuʋa anoʋuya, aʋacasizoti: NaJehova mupenyu, wakabvisa ʋana ʋaIsraeri panyika yeEgipita; 15asi: NaJehova mupenyu, wakabvisa ʋana ʋaIsraeri kunyika yokumsoro, nokunyika dzose dzaakaŋga aʋadziŋgira kwadziri. Ndicaʋadzosera ɀe kunyika yaʋo yandakapa madziɓaɓa aʋo. 16Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicandoɗana ʋaɓati ʋazhinji ʋehoʋe, iʋo ʋacaʋaɓata sehoʋe; pashure ndicandoɗana ʋavimi ʋazhinji, iʋo ʋacaʋavima pamakomo ose neɀikomo ɀose, napamapako ose amatombo. 17Nokuti meso aŋgu anoʋona nzira dzaʋo dzose, haɀina‐kuʋanzika pamberi paŋgu, ɀakaipa ɀaʋo haɀina‐kuʋanziwa pameso aŋgu. 18Ndicataŋga kuʋatsiʋira ɀakaipa ɀaʋo neɀiʋi ɀaʋo kaʋiri, nokuti ʋakaȿiɓisa nyika yaŋgu neɀitunha ɀeɀinhu ɀaʋo ɀinosemesa, nokuzadza nhaka yaŋgu neɀinonyaŋgadza ɀaʋo. 19Imi Jehova, simba raŋgu, nenhare yaŋgu, noʋutiziro bgaŋgu pazuʋa rokutambudzika, marudzi acaʋuya kwamuri acibva kumigumo yenyika, aciti: Madziɓaɓa eɗu akagara nhaka yenhema dzoga, ɀinhu ɀisinamaturo, neɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. 20Ko munhu uŋgaɀiitira ʋamŋari ʋasati ʋari ʋamŋari here? 21Naiɀoɀo, tarirai, ndicaʋaziʋisa, ndicaʋaziʋisa paŋguʋa ino cete ruʋoko rwaŋgu nesimba raŋgu; ʋacaziʋa kuti zita raŋgu ndiJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 16: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018