Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 20:9-26

Ruka 20:9-26 SUB1949

Ɀino wakataŋga kuʋudza ʋanhu mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga; akaupa ʋarimi, akandogara kumŋe ŋguʋa refu. Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti ʋamupe ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga; asi ʋarimi ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina. Akatuma ɀe mumŋe muranda; naiye ʋo ʋakamuroʋa, ʋakamunyadzisa, ʋakamudzosa asina. Akatuma ɀe wecitatu; naiye ʋakamukuʋadza, ʋakamuɓuɗisa kunze. Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga akati: Ndicaiteiko? Ndicatuma mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, ɀimŋe ʋacamukudza iye. Asi ʋarimi ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaraŋgana, ʋakati: Uyu ndiye mugari wenhaka; ŋgatimuʋuraye, nhaka igoʋa yeɗu. Ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga, ʋakamuʋuraya. Ɀino, mŋene womunda wemizambiriŋga ucaʋaiteiko? Ucaʋuya, akaparadza ʋarimi iʋaʋa; munda wemizambiriŋga akaupa ʋamŋe. Ɀino ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakati: Haiȿa! Wakati aʋatarisisa, akati: Ɀino cinyiko ico cakanyorwa, cinoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona? Mumŋe nomumŋe unowira pamsoro pebge iro, ucavunikanya; asi ricaparadza warinowira. Ɀino ʋanyori naʋaprista ʋakuru ʋakatȿaka neŋguʋa iyo kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu; nokuti ʋakaziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo uyo. Ʋakamucerekedza, ʋakatuma ʋashori, ʋakaɀiita saʋanhu ʋakarurama, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake, ʋamuise kuʋushe nesimba romutoŋgi. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti munotaura nokudzidzisa ɀakarurama, musiŋgatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi. Ko ɀino takatenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Ndiratidzei denari. Rinomufananidzo norunyoro rwaniko? Ʋakati: ⱿaKesari. Ipapo akati kwaʋari: Naiɀoɀo ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakakoniwa kumuɓata pakutaura kwake pamberi paʋanhu; ʋakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara.

Verenga chikamu Ruka 20