Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 20:9-26

Ruka 20:9-26 SCLB

Akatanga kutaurira vanhu muenzaniso uyu achiti, “Mumwe munhu akarima munda wamagirepisi akaupa kuna vamwe vanhu vokuushandisa vachimubhadhara ndokuenda kune imwe nyika kwenguva ndefu. Nguva payakasvika, akatuma muranda kuna vaya vaishandisa munda wake kuti vamupewo mimwe michero womunda wamagirepisi, asi vaishandisa munda vaya vakamurova vakamuendesa asina chaanacho. Akatumira mumwe muranda; naiyewo vakamurova vakamuitira zvinonyadzisa uye vakamuendesa asina chaanacho. Akatumirazve wechitatu. Uyu vakamukuvadza vakamukanda kunze. Muridzi womunda akati, ‘Ndoita sei? Ndichatumira mwanakomana wangu wapamwoyo zvimwe vangamuremekedze.’ Asi vaya vaishandisa munda pavakamuona vakataurirana pachavo vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye kuti nhaka ive yedu.’ Vakamukanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamuuraya. Muridzi womunda achaitei kwavari? Achauya agoparadza vaya vokushandisa munda vaya achizopa munda wamagirepisi uya kuna vamwe.” Pavakanzwa izvi vakati, “Hazvidi kudaro.” Jesu akavatarisa akati, “Ko izvi zvakanyorwa zvinorevei zvinoti, “ ‘Dombo rakarambwa navavaki iroro ndiro rakava dombo rakakoshesesa rapakona.’ “Munhu wose anowira padombo iroro anobva adanzurwa danzurwa. Asi rikawira munhu rinomupwanya.” Nyanzvi dzomutemo navapristi vakuru vakaedza kumubata panguva iyoyo asi vakatya vanhu nokuti vakanga vazviona kuti akanga ataura muenzaniso uyu akananga ivo. Saizvozvo vainyatsomutarisisa. Vakatumira vasori vaiita sevakatendeka vachiitira kuti vamubate pakutaura kwake kuti vamuturire kuvakuru vakuru nomumaoko agavhuna. Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvazviri uye hamusaruri asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri pachokwadi. Zviri pamutemo here kubvisa mutero kuna Siza kana kuti kwete?” Asi iye akaona unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ndiratidzei mari chena imwechete yemadhenari. Ine mufananidzo norunyoro rwaani?” Vakati, “NdezvaSiza.” Iye akati kwavari, “Nezvo ipai kuna Siza zvaSiza mupewo kuna Mwari zvaMwari.” Havana kugona kumubata pane vanhu mune zvaakataura. Vakangoshamiswa nemhinduro yake vakanyarara.

Verenga chikamu Ruka 20