Ruka 20:9-26
Ruka 20:9-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu. Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu. Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu. Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze. “Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’ “Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’ Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya. “Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari? Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!” Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’? Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.” Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu. Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati. Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi. Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?” Akaona kunyengera kwavo akati kwavari, “Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.” Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara.
Ruka 20:9-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga asima munda wemidzambiringa; akaupa varimi; akandogara kumwe nguva refu. Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvibereko zvomunda wemidzambiringa; asi varimi vakamurova, vakamudzosa asina. “Akatumazve mumwe muranda; naiyewo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamudzosa asina. Akatumazve wechitatu; naiye vakamukuvadza, vakamubudisa kunze. Zvino muridzi womunda wemidzambiringa akati, ‘Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vachamukudza iye.’ Asi varimi vakati vachimuona, vakarangana, vakati, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; ngatimuuraye, nhaka igova yedu.’ Vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa, vakamuuraya. Zvino, muridzi womunda wemidzambiringa achavaiteiko? Achauya, akaparadza varimi ivava; munda wemidzambiringa akaupa vamwe.” Zvino vachinzwa izvozvo, vakati, “Haisva!” Wakati avatarisisa, akati, “Zvino chinyiko icho chakanyorwa, chinoti, ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona?’ “Mumwe nomumwe anowira pamusoro pebwe iro, achavhunikanya; asi richaparadza warinowira.” Zvino vanyori navapristi vakuru vakatsvaka nenguva iyo kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti akareva ivo nomufananidzo uyo. Vakamucherechedza, vakatuma vashori, vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, vamuise kuushe nesimba romutongi. Vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, musingatendi zvinoonekwa zvomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi. Ko zvino takatenderwa kuterera Kesari mutero here, kana kwete.” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Ndiratidzei dhenari. Rinomufananidzo norunyoro rwaaniko?” Vakati, “ZvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Naizvozvo ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakakoniwa kumubata pakutaura kwake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara.
Ruka 20:9-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akatanga kutaurira vanhu muenzaniso uyu achiti, “Mumwe munhu akarima munda wamagirepisi akaupa kuna vamwe vanhu vokuushandisa vachimubhadhara ndokuenda kune imwe nyika kwenguva ndefu. Nguva payakasvika, akatuma muranda kuna vaya vaishandisa munda wake kuti vamupewo mimwe michero womunda wamagirepisi, asi vaishandisa munda vaya vakamurova vakamuendesa asina chaanacho. Akatumira mumwe muranda; naiyewo vakamurova vakamuitira zvinonyadzisa uye vakamuendesa asina chaanacho. Akatumirazve wechitatu. Uyu vakamukuvadza vakamukanda kunze. Muridzi womunda akati, ‘Ndoita sei? Ndichatumira mwanakomana wangu wapamwoyo zvimwe vangamuremekedze.’ Asi vaya vaishandisa munda pavakamuona vakataurirana pachavo vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye kuti nhaka ive yedu.’ Vakamukanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamuuraya. Muridzi womunda achaitei kwavari? Achauya agoparadza vaya vokushandisa munda vaya achizopa munda wamagirepisi uya kuna vamwe.” Pavakanzwa izvi vakati, “Hazvidi kudaro.” Jesu akavatarisa akati, “Ko izvi zvakanyorwa zvinorevei zvinoti, “ ‘Dombo rakarambwa navavaki iroro ndiro rakava dombo rakakoshesesa rapakona.’ “Munhu wose anowira padombo iroro anobva adanzurwa danzurwa. Asi rikawira munhu rinomupwanya.” Nyanzvi dzomutemo navapristi vakuru vakaedza kumubata panguva iyoyo asi vakatya vanhu nokuti vakanga vazviona kuti akanga ataura muenzaniso uyu akananga ivo. Saizvozvo vainyatsomutarisisa. Vakatumira vasori vaiita sevakatendeka vachiitira kuti vamubate pakutaura kwake kuti vamuturire kuvakuru vakuru nomumaoko agavhuna. Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvazviri uye hamusaruri asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri pachokwadi. Zviri pamutemo here kubvisa mutero kuna Siza kana kuti kwete?” Asi iye akaona unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ndiratidzei mari chena imwechete yemadhenari. Ine mufananidzo norunyoro rwaani?” Vakati, “NdezvaSiza.” Iye akati kwavari, “Nezvo ipai kuna Siza zvaSiza mupewo kuna Mwari zvaMwari.” Havana kugona kumubata pane vanhu mune zvaakataura. Vakangoshamiswa nemhinduro yake vakanyarara.
Ruka 20:9-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakataŋga kuʋudza ʋanhu mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga; akaupa ʋarimi, akandogara kumŋe ŋguʋa refu. Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti ʋamupe ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga; asi ʋarimi ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina. Akatuma ɀe mumŋe muranda; naiye ʋo ʋakamuroʋa, ʋakamunyadzisa, ʋakamudzosa asina. Akatuma ɀe wecitatu; naiye ʋakamukuʋadza, ʋakamuɓuɗisa kunze. Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga akati: Ndicaiteiko? Ndicatuma mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, ɀimŋe ʋacamukudza iye. Asi ʋarimi ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaraŋgana, ʋakati: Uyu ndiye mugari wenhaka; ŋgatimuʋuraye, nhaka igoʋa yeɗu. Ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga, ʋakamuʋuraya. Ɀino, mŋene womunda wemizambiriŋga ucaʋaiteiko? Ucaʋuya, akaparadza ʋarimi iʋaʋa; munda wemizambiriŋga akaupa ʋamŋe. Ɀino ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakati: Haiȿa! Wakati aʋatarisisa, akati: Ɀino cinyiko ico cakanyorwa, cinoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona? Mumŋe nomumŋe unowira pamsoro pebge iro, ucavunikanya; asi ricaparadza warinowira. Ɀino ʋanyori naʋaprista ʋakuru ʋakatȿaka neŋguʋa iyo kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu; nokuti ʋakaziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo uyo. Ʋakamucerekedza, ʋakatuma ʋashori, ʋakaɀiita saʋanhu ʋakarurama, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake, ʋamuise kuʋushe nesimba romutoŋgi. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti munotaura nokudzidzisa ɀakarurama, musiŋgatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi. Ko ɀino takatenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Ndiratidzei denari. Rinomufananidzo norunyoro rwaniko? Ʋakati: ⱿaKesari. Ipapo akati kwaʋari: Naiɀoɀo ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakakoniwa kumuɓata pakutaura kwake pamberi paʋanhu; ʋakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara.
Ruka 20:9-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)