Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 20:9-26

Ruka 20:9-26 SNA2002

Zvino akatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga asima munda wemidzambiringa; akaupa varimi; akandogara kumwe nguva refu. Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvibereko zvomunda wemidzambiringa; asi varimi vakamurova, vakamudzosa asina. “Akatumazve mumwe muranda; naiyewo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamudzosa asina. Akatumazve wechitatu; naiye vakamukuvadza, vakamubudisa kunze. Zvino muridzi womunda wemidzambiringa akati, ‘Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vachamukudza iye.’ Asi varimi vakati vachimuona, vakarangana, vakati, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; ngatimuuraye, nhaka igova yedu.’ Vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa, vakamuuraya. Zvino, muridzi womunda wemidzambiringa achavaiteiko? Achauya, akaparadza varimi ivava; munda wemidzambiringa akaupa vamwe.” Zvino vachinzwa izvozvo, vakati, “Haisva!” Wakati avatarisisa, akati, “Zvino chinyiko icho chakanyorwa, chinoti, ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona?’ “Mumwe nomumwe anowira pamusoro pebwe iro, achavhunikanya; asi richaparadza warinowira.” Zvino vanyori navapristi vakuru vakatsvaka nenguva iyo kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti akareva ivo nomufananidzo uyo. Vakamucherechedza, vakatuma vashori, vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, vamuise kuushe nesimba romutongi. Vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, musingatendi zvinoonekwa zvomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi. Ko zvino takatenderwa kuterera Kesari mutero here, kana kwete.” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Ndiratidzei dhenari. Rinomufananidzo norunyoro rwaaniko?” Vakati, “ZvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Naizvozvo ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakakoniwa kumubata pakutaura kwake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara.

Verenga chikamu Ruka 20