Ɀireʋo 21
21
1Mŋoyo wamambo uri muruʋoko rwaJehova sehoʋa dzemvura;
Unoufambisa seɀaanoɗa.
2Nzira ipi neipi yomunhu unoti yakarurama pakuʋona kwake;
Asi Jehova unoyera mŋoyo.
3Kuita ɀakarurama nokururamisira
Ɀinofadza Jehova kupfuʋura ciɓayiro.
4Kutarira kwamanyawi nomŋoyo unoɀikudza,
Ico ciedza caʋakaipa, ɀiʋi.
5Ndaŋgariro dzaʋashiŋgairi dzinoʋuyisa ɀizhinji;
Asi aninani unokurumidzisa unoŋgoʋaŋgira kushaiwa.
6Kuʋuŋganidza fuma norurimi runoreʋa nhema
Imhute inodziŋgwa kwose‐kwose naʋanotȿaka rufu.
7Kumanikidza kwaʋakaipa kunoʋaparadza,
Nokuti ʋanoramba kuita ɀakarurama.
8Nzira yomunhu unemhoȿa yakaminama kwaɀo;
Asi kana ari wakacena, kuita kwake kwakarurama.
9Ɀirinani kugara pakona reɗeŋga,
Pakugara muimba imŋe nomukadzi unokakaʋara.
10Mŋeya wowakaipa unoɗa ɀakaipa;
Wokwake haawani nyasha kwaari.
11Kana muɗaɗi aciraŋgwa, usinamano ucaʋa noʋucenjeri;
Kana wakacenjera acidzidziswa, unogamucira ziʋo.
12Wakarurama unocerekedza imba yowakaipa;
Unowisira ʋakaipa mukuparadzwa.
13Unodziʋira nzeʋe yake, kuti arege kunzwa kucema kwomurombo,
Iye ʋo ucacema, asi haaŋganzwiki.
14Cipo, cinopiwa pakaʋanda, cinonyaradza hasha,
Necipiwa, ciri mucifuʋa, kutsamŋa kukuru.
15Kuita ɀakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama;
Asi ʋaiti ʋeɀakaipa ʋanoparadzwa nako.
16Munhu, unotsauka panzira yenjere,
Ucandozorora muʋuŋgano yaʋakafa.
17Unofarira ɀinofadza, ucaʋa murombo;
Unofarira waini namafuta haaŋgafumi.
18Wakaipa idzikinuro yowakarurama;
Unoita nokunyeŋgedzera unopinda panɀimbo yowakarurama.
19Ɀirinani kugara murenje,
Pakugara nomukadzi unokakaʋara nounonetsa.
20Mumba mowakacenjera munefuma inokosha namafuta;
Asi ɓenzi rinoɀipedza.
21Munhu, unotȿaka kururama noʋunyoro,
Unowana ʋupenyu, nokururama, nokukudzwa.
22Munhu wakacenjera unokwira muguta raʋanesimba,
Aciwisira pasi nhare yaʋanoʋimba nayo.
23Aninani unoceŋgeta muromo wake norurimi rwake,
Unoceŋgeta mŋeya wake pamaɗambudziko.
24Munhu, unoɀikudza unamanyawi, muɗaɗi ndiro zita rake;
Unoita namanyawi okuɀikudza kwake.
25Kuɗa kwounoʋusimbe kunomuʋuraya;
Nokuti maʋoko ake anoramba kuɓata.
26Zuʋa rose unoramba aciŋgoɗa;
Asi wakarurama unopa asiŋgarambi.
27Ciɓayiro cowakaipa cinonyaŋgadza;
Ndoɗa kana aciʋuya naɀo kuyananisira ɀakaipa.
28Capupu cenhema cicaparadzwa;
Asi munhu unoterera, ucaramba acitaura.
29Munhu wakaipa uneciso cisiŋganyari;
Asi kana ari wakarurama unogadzira nzira dzake.
30Hakunoʋucenjeri, kana njere,
Hakunamano aŋgakunda Jehova.
31Biza rinogadzirirwa zuʋa rokurwa,
Asi kukunda kunobva kunaJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀireʋo 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018