Ɀireʋo 28
28
1Wakaipa unotiza kusinaunodziŋgana naye;
Asi ʋakarurama ʋanotsuŋga mŋoyo seshumba.
2Nemhaka yokuɗarika kwenyika, macinda ayo anowanda;
Asi nomumŋe, unenjere neziʋo, icaramba iri’po.
3Munhu unoshaiwa amene, unomanikidza ʋarombo,
Wakafanana nemvura inokukura, isiŋgasiyi ɀokudya.
4Ʋanosiya murairo, ʋanorumbidza ʋakaipa;
Asi ʋanoceŋgeta murairo, ʋanoita nharo naʋo.
5Ʋanhu ʋakashata haʋanzwisisi ɀakarurama;
Asi ʋanotȿaka Jehova ʋanonzwisisa ɀose.
6Murombo, unofamba muɀokwaɗi yake,
Unopfuʋura usakarurama unofamba nenzira mbiri, kunyaŋge akafuma.
7Unoceŋgeta murairo, mŋanakomana wakacenjera;
Asi unofambidzana naʋanhu ʋanamadyo, unonyadzisa ɓaɓa ʋake.
8Unowedzera fuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama,
Unoʋuŋganidzira mumŋe, ucaʋa netsitsi naʋarombo.
9Unoramba kunzwa murairo nenzeʋe yake,
Kunyaŋge nomunyeŋgetero wake unonyaŋgadza.
10Aninani unorashisa ʋakarurama ʋafambe nenzira yakaipa,
Ucawira amene mugomba rake;
Asi ʋakarurama ʋacagara nhaka yeɀakanaka.
11Mufumi unoti ndakacenjera;
Asi murombo, unenjere, unomuferefeta.
12Kana ʋakarurama ʋacikunda, mufaro mukuru uri’ko;
Asi kana ʋakaipa ʋosimba, ʋanhu ʋoʋanda.
13Unofukidza kuɗarika kwake, haaŋgaʋi nomufaro;
Asi unoɀireʋurura, aciɀirasha, ucawana nyasha.
14Munhu unogara acitya, unomufaro;
Asi unowomesa mŋoyo wake, ucawira munjodzi.
15Seshumba inoʋomba, neɓere rinopota‐pota,
Ndiɀo ɀakaita muɓati wakaipa unoɓata ʋanhu ʋarombo.
16Mucinda, unoshaiwa njere, unomanikidza ʋanhu ʋo ɀikuru;
Asi unoʋeŋga kuciʋa, ucawedzera mazuʋa ake.
17Munhu, unoremedzwa neropa romumŋe munhu,
Ucatizira kugomba; ŋgaarege kudziʋiswa nomunhu.
18Aninani unofamba ɀakarurama, ucarwirwa;
Asi unofamba nenzira dzisakarurama, ucawa pakarepo.
19Unorima munda wake, ucaʋa neɀokudya ɀizhinji;
Asi unoʋaŋgira ɀisinamaturo, ucaʋa noʋurombo kwaɀo.
20Munhu wakatendeka ucaʋa namaropafadzo mazhinji;
Asi unoɗa kufuma nokukurumidza, haaŋgakoni kurobga.
21Kutsaura ʋanhu hakuna‐kunaka;
Nokuti munhu uŋgaɗarika nokuɗa kwecimeɗu ceciŋgwa.
22Munhu unoruciʋa, unoʋaŋgira fuma,
Asiŋgaziʋi kuti ucawirwa nokushaiwa.
23Unorairira munhu ucazowana nyasha pashure,
Kupfuʋura iye unoɓata kumeso norurimi rwake.
24Unoɓira ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, aciti: Hakuzi kuɗarika,
Uyu ishamŋari younoparadza.
25Unomŋeya wokuciʋa unomutsa kukakaʋara;
Asi unoʋimba naJehova, ucasimbiswa.
26Unotenda mŋoyo wake, iɓenzi;
Asi unofamba noʋucenjeri, ucarwirwa.
27Unopa ʋarombo, haaŋgazoshaiwi;
Asi unotsinzina meso ake, ucatukwa kazhinji.
28Kana ʋakaipa ʋosimba, ʋanhu ʋoʋanda;
Asi kana ʋoparara, ʋakarurama ʋowanda.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀireʋo 28: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018