Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 27

27
1Usaɀirumbidza pamsoro pezuʋa ramaŋgwana;
Nokuti hauziʋi cauŋgaʋigirwa nezuʋa rimŋe.
2Mumŋe ŋgaakurumbidze, urege kuʋa muromo wako;
Ŋgaaʋe mŋeni, irege kuʋa miromo yako.
3Ibge rinorema, ʋuye jeca rinorema;
Asi kutsamŋa kweɓenzi kunokurira ɀose nokurema.
4Hasha dzinokuʋadza, ʋuye kutsamŋa kunokukura;
Asi ndiani uŋgamira pamberi pegoɗo.
5Kurairwa pacena kunopfuʋura
Ruɗo rwakaʋanzwa.
6Maʋaŋga anotemŋa neshamŋari aŋgatendwa,
Asi kuȿeta kwomuʋeŋgi kwakawanda.
7Mŋeya wakaguta unotsika pasi muȿi woʋuci;
Asi mŋeya unenzara unoti ɀose ɀinozipa kunyaŋge ɀiciʋaʋa.
8Seshiri inobururuka icienda kure neɗendere rayo,
Ndiɀo ɀakaita munhu unofamba‐famba kure napaanogara.
9Mafuta neɀinonhuwira ɀinofadza mŋoyo;
Ndiɀo ɀinoita ʋo kunaka kwoʋushamŋari bgomunhu kunobva pakuyanana kwemŋeya.
10Usasiya shamŋari yako neshamŋari yaɓaɓa ʋako;
Usaenda kumba kwomunuŋuna wako nezuʋa renhamo yako;
Wokwako, uri pedyo, unopfuʋura munuŋuna uri kure.
11Mŋanakomana waŋgu, iʋa wakacenjera, ufadze mŋoyo waŋgu;
Kuti ndigone kupindura unondishoʋora.
12Munhu wakaŋgwara unoʋona ɀakaipa, ndokuʋanda;
Asi ʋasinamano ʋanopfuʋura haʋo, ndokuwira munjodzi.
13Munhu unoɀiita ruɓatso kumutorwa, umutorere ŋguʋo yake;
Umuite ruɓatso iye wakaɀiita ruɓatso kumukadzi wokumŋe.
14Unoropafadza shamŋari yake nenzwi guru, acifumira maŋgwanani,
Ucanzi wakatukwa pamsoro paɀo.
15Kuɗonha kusiŋgaperi pazuʋa remvura zhinji
Nomukadzi unokakaʋara, ɀakafanana.
16Unoɗa kumudziʋisa, unodziʋisa mhepo;
Ruʋoko rwake rworudyi rwakaɓata mafuta.
17Simbi inorodza simbi;
Saiɀoɀo munhu unorodza ciso ceshamŋari yake.
18Aninani unoceŋgeta muʋonde, ucadya ɀiɓereko ɀawo;
Unoceŋgeta tenzi wake, ucakudzwa.
19Ciso seɀacinotarisana neciso mumvura,
Saiɀoɀo mŋoyo womunhu unotarisana nomunhu.
20Sheori neAbadoni haɀitoŋgoguti;
Nameso omunhu haaguti.
21Hari yokunyausa ndeyesirveri, neʋira nderendarama;
Saiɀoɀo munhu unozikanwa neɀaanofarira.
22Kunyaŋge ukatswa ɓenzi muɗuri nomutsi pakati peɀiyo ɀinotswiwa,
Ʋupenzi bgaro haʋuŋgabvi kwariri.
23Shiŋgaira uziʋe kuti makwai ako akaɗini;
Uceŋgete ɀakanaka mapoka ako.
24Nokuti fuma haigari nokusiŋgaperi;
Ko korona inogara kuȿikira kumarudzi ose here?
25Ʋuswa ʋunoenda, ɓumhudza ndokuɓuɗa,
Nemiriʋo yamakomo inoʋuŋganidzwa.
26Makwaiana anokuʋigira ɀokufuka ɀako,
Ʋuye mbudzi ndiwo muteŋgo weminda.
27Mukaka wembudzi ucariŋgana ɀokudya ɀako, neɀokudya ɀeimba yako,
Nokuraramisa ʋasikana ʋako.

Zvasarudzwa nguva ino

Ɀireʋo 27: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda