1
Ɀireʋo 27:17
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Simbi inorodza simbi; Saiɀoɀo munhu unorodza ciso ceshamŋari yake.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ɀireʋo 27:1
Usaɀirumbidza pamsoro pezuʋa ramaŋgwana; Nokuti hauziʋi cauŋgaʋigirwa nezuʋa rimŋe.
3
Ɀireʋo 27:6
Maʋaŋga anotemŋa neshamŋari aŋgatendwa, Asi kuȿeta kwomuʋeŋgi kwakawanda.
4
Ɀireʋo 27:19
Ciso seɀacinotarisana neciso mumvura, Saiɀoɀo mŋoyo womunhu unotarisana nomunhu.
5
Ɀireʋo 27:2
Mumŋe ŋgaakurumbidze, urege kuʋa muromo wako; Ŋgaaʋe mŋeni, irege kuʋa miromo yako.
6
Ɀireʋo 27:5
Kurairwa pacena kunopfuʋura Ruɗo rwakaʋanzwa.
7
Ɀireʋo 27:15
Kuɗonha kusiŋgaperi pazuʋa remvura zhinji Nomukadzi unokakaʋara, ɀakafanana.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo