Mapisarema 90
90
BUKU IV
Kufupika kwoʋupenyu bgomunhu.
Munyeŋgetero waMosesi, munhu waMŋari.
1Ishe, makaŋga muri ʋugaro bgeɗu
Pamarudzi namarudzi.
2Makomo asati aɀarwa,
Musati matoŋgosika nyika nevu,
Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakusiŋgaperi imi muri Mŋari.
3Munodzosera munhu kuguruʋa;
Muciti: Dzokai ʋana ʋaʋanhu.
4Nokuti kwamuri makore anecuru
Akaŋgofanana nezuʋa razuro kana rapfuʋura,
Seŋguʋa yokurinda yoʋusiku.
5Munoʋakukura semvura zhinji; ʋaʋa sehope;
Maŋgwanani ʋakaita soʋuswa ʋunomera.
6Maŋgwanani ʋunotumbuka, ʋunomera;
Maɗekwana ʋunodzurwa, ndokuȿaʋa.
7Nokuti tinopedzwa nokutsamŋa kwenyu,
Tinotambudzika nehasha dzenyu.
8Makaisa ɀakaipa ɀeɗu pamberi penyu,
Ɀiʋi ɀeɗu ɀakaʋanzika paciedza ceciso cenyu.
9Nokuti mazuʋa eɗu ose anopfuʋura makatsamŋa;
Makore eɗu anopera soruŋgano.
10Mazuʋa amakore eɗu anoȿika makore makumi manomŋe,
Kana tinesimba makore makumi masere;
Asi kunyaŋge acikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo ɓedzi.
Nokuti gare‐gare aenda, nesu tabururuka taenda.
11Ndianiko unoziʋa simba rokutsamŋa kwenyu,
Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe ɀakafanira here?
12Tidzidzisei kunatso‐ʋereŋga mazuʋa eɗu,
Kuti tiɀiwanire mŋoyo wakacenjera.
13Dzokai Jehova; kuȿikira riniko?
Muɀiɗembe pamsoro paʋaranda ʋenyu.
14Tigutsei maŋgwanani neŋgoni dzenyu;
Kuti tifarise, tiʋe nomufaro mazuʋa eɗu ose.
15Tifadzei ɀinoenzana namazuʋa amakatitambudza,
Namakore atakaʋona ɀakaipa.
16Ɀamakaita ŋgaɀiʋonekwe naʋaranda ʋenyu,
Nokubginya kwenyu pamsoro paʋana ʋaʋo.
17Kunaka kwaJehova Mŋari weɗu ŋgakuʋe pamsoro peɗu;
Mutisimbisire ɓasa ramaʋoko eɗu;
Ɀirokwaɀo, ɓasa ramaʋoko eɗu murisimbise.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 90: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018